Muzvinabhizimisi abirwa US$6 000 nemakororo

Fidelis Chavarike

MUDZIMAI anove muzvinhabhizimisi ane makore 42 okuberekwa wekuGaza, kuChipinge, akabirwa US$6 000 nemakororo matatu.

Izvi zvakaitika nemusi wa27 Gunyana nenguva dza6pm.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti akabirwa ndiLocadia Muvenyengwa, muzvinabhizimusi ane mukurumbira kuGaza nenzvimbo dzakapoteredza.

Muvenyengwa aityaira motokari yake yerudzi rweNissan UD mumugwagwa weMutare-Chipinge akananga kuChipinge, achisvika paturn-off yeCSC akabva amira achisunga tende raiva rakavhara girosari, sezvo rakanga richivharidzira girazi rekumashure richimutadzisa kuona zvakanaka.

Muvenyengwa aive nemushandi wake, Simbarashe Kiwa (43), uyo waakakumbira kuti agadzirise tende iri. Vachiri kumira panzvimbo iyi, pakabva pasvika imwe Toyota Aqua yeruvara rweapple-green ichibva yamira nechepamberi pavo.

Mumwe murume asina kuzivikanwa akaburuka achibva aenda kwaiva naMuvenyengwa.

Murume uyu akamukwazisa achishandisa zita remwana wake, achiratidza kuti aimuziva kubva kuChipinge, ndokumupa US$10 yekuti atenge chinwiwa, izvo akaramba achiti haamuzive.

Asst Insp Chinyoka vanoti murume uyu akabva audza Muvenyengwa kuti rimwe vhiri rake rakanga raponja. Paakaenda kunotarisa, akaona kuti vhiri iri rakanga rakanaka.

Paakanga oda kudzokera kumotokari yake, Aqua iya yakabva yaenda.

Ndipo paakaona kuti bhegi rake raiva neUS$6 000, pasipoti yake, nerezinesi rekutyaira zvakanga zvabiwa.

Muvenyengwa akakumbira vanhu vaive pedyo kuti vatevere motokari iyi asi hapana akaita sekudaro. Vakazomhan’ara kuZRP Mutare Central.

Nyaya iyi iri kuenderera mberi nekuferefetwa uye hapana ati asungwa.

Asst Insp Chinyoka vanokurudzira veruzhinji vane ruzivo rwungabatsira muongororo iyi kuti vaudze mapurisa ari pedyo navo.

Vanoyambirawo vanhu, zvikuru vemabhizimisi kuti vasiyane nekufamba nemari yakawanda uye kuti vagare vakangwarira nguva dzose.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×