Catherine Murombedzi
GOMARARA rose rikakurumidza kuonekwa nevehutano upenyu hwemunhu hunochengetedzeka. Nguva zhinji gomarara rinoonekwa rasakadza parinenge riri uye rapararira kare zvekuti kazhinji hupenyu hunorasika nyangwe vanachiremba vakaedza nepavanogona nekuti munhu anenge anonoka kuuya kuchipatara.
Madzimai ose anokurudzirwa kuti aongororwe chibereko gore rega-rega. Izvi zvinoitwa kana kukiriniki diki iri pedyo. Nzira inowanzoshandiswa inonzi pachirungu papsmear. Papsmear iyi hairwadzi uye inzira yekutora mvura dzinowanikwa muchibereko dzonoongororwa kuti hamuna zvisingafaniri kuvemo here. Dr Tsitsi-Mutasa Apollo chiremba mubazi rehutano nekuchengetedzwa zvakanaka kwevana, vachitaura munguva yapfuura nevatori venhau kuKadoma, vakati munhukadzi wose anokurudzirwa kuongororwa gomarara rechibereko asati apererwa nenguva.
“Mudzimai wose anofanirwa kuongororwa gomarara rechibereko kamwe chete pagore kana achikwanisa kaviri chaiko. Zvipatara zvese uye nemakiriniki anoita ongororo iyi naizvozvo tinokurudzira kuti mudzimai wose atore danho iri rakakosha rekuchengetedza hupenyu hwake,” vakadaro Dr Mutasa-Apollo.
Dr Mutasa-Apollo vakati gomarara rikaonekwa paine nguva hupenyu hunochengetedzeka uye rubatsiro urwu haruzonyanyi kuve runoremera murwere.
“Gomarara rechibereko riri kuwanda mumadzimai uye vari kunonoka kuenda kukiriniki zvekuti parinozoonekwa rinenge rapararira. Kazhinji, chibereko chinobviswa mudzimai ofanirwa kutangisa danho rekupiswa pachirungu inonzi radio therapy.
“Mumwe ndeanoiswa pachemotherapy unove mushonga unenge uchinwiwa. Dzese idzi nzira dzinogona kubatsira kana gomarara rikabatwa risina kuenda pachikamu chepamusoro,” vakadaro Dr Mutasa-Apollo.
Madzimai kana aine negomarara anogona kusangana nezviitiko zvinotevera: kutevera kusina nguva, kutevera mushure mebonde, kutevera mushure mekunge munhu anga aguma kugeza nekuramba munhu achibuda zvinonhuhwa kubva kunhengo yakavandika.
Munhukadzi akabuda zvinhu kunhengo iyoyi kazhinji ingave njovhera naizvozvo anoongororwa oiswa pamishonga inokodzera asi munhu akasadaira kurapwa nemishonga iyoyi zvinenge zvoda ongororo mberi nekuti rinogona kunge rava gomarara. Vehutano vanoti vakaona zvakadai vanoongorora zvakadzama kuti chii uye chibereko chakamira sei. Kana paine chinenge chaonekwa panotorwa kanyama kanoenda kunoongororwa nevehutsanzi.
Ngatiti mudzimai aita dambudziko iri akazvitakura, anenge ava kuendeswa kuna vanamazvikokota vebasa iri (biopsy).
Gomarara rikabatwa rava pachinhanho chechipiri zvinotevera ndizvo zvinoonekwa. Kuenda kunorasa mvura kakawanda uye nenguva diki-diki munhu otonzwa dundira kuzara zvakare.
Kurwadziwa nemusana kwakanyanya uye kurwadziwa nepasi peguvhu.
Gomarara rikabatwa ranyanyogodza musana unenge wobanda zvakapetwa, kuperezeka muviri, kushomeka kwekurasa mvura. Mudzimai anenge orasa mvura iye asingazive uye tsvina inobuda nepasikarudzi. Mabvi anozvimbawo uye kutadza kufema nekuda kwekuti mapapu haachashanda zvakanaka. Madzimai anorarama neutachiona hweHIV ari panjodzi huru yekuve negomarara rechibereko sezvo ropa ravo rinenge risisina simba rekudzivirira zvirwere.
Madzimai aya anofanira kuti kamwe chete pagore vatariswe gomarara rechibereko iri.
Misi nenguva tinorasikirwa nehama nekuda kwekunonoka kuenda kunoongororwa.
Mudzimai wose mhanya iro gore rino richatanga uongororwe kuti hauna gomarara rechibereko here.
- Wenyu:[email protected]




