Kingstone Mapupu
CHIKAMU chinoona nezvemvura, cheZimbabwe National Water Authority (ZINWA) chinoti kunaya kuri kuita mvura munyika kwaita kuti madhamu mazhinji madiki nemakuru awane mvura yakawanda inosvika chikamu che53 percent.
VaTsungirirai Shoriwa, avo vanova mutauriri webazi iri, vanoti kubva pakatanga kunaya mvura munyika yose, zvabatsira zvikuru kuti madhamu awane mvura yakawanda. “Kunaya kuri kuita mvura munyika kwabatsira zvikuru kuti madhamu edu aite mvura ayo anga asisina zvichitevera kusanaya kwemvura zvakanaka mwaka wa2019 kusvika 2020. Nyika yanga yasvika padambudziko guru rekushaya mvura, izvozvi madhamu edu mazhinji makuru mvura yadarika chikamu 53 percent iyo iri kukwira zuva roga-roga nekuti iri kuramba ichinaya,” vanodaro VaShoriwa.
Vanoti vanotarisira kuti mvura ikaramba ichinaya – sezviri kutarisirwa nenyanzvi dzezvemamiriro ekunze – panopera mwedzi waNdira gore rinouya madhamu mazhinji anenge azara.
“Kunyangwe mvura yemumadhamu iri kuwanda, tinoramba tichikurudzira ruzhinji kuti vashandise mvura vachiichengetedza nekuti tine zvakawanda zvatichazoda kuishandisa kumberi zvinosanganisa kudiridzira nemamwe mabasa,” vanodaro VaShoriwa.
Vanoenderera mberi vachiti, “Tine madhamu makuru akawanda munyika ayo ava padanho repamusoro munyaya dzekuwanda kwemvura anosanganisira Bubi-Lupane, Ngwenya, Insukamini, Pollards Exchange, Chivero, Manyame, Harava, Mazvikadei, Blockley, Karoi, Mazowe, Kushinga-Phikelela neMasembura,” vanodaro VaShoriwa.
Mamwe madhamu makuru avanoti akaongororwa anosanganisira Mtshabezi, Mzingwane, Upper Ncema, Lower Ncema, Zhovhe, Silalabhuwa, Inyankuno, Tugwi-Mukosi, Bangala, Manjirenji, Mutirikwi, Muzhwi neGwenoro.
“Ikurudziro yedu kuti vanhu vasateme miti padyo nemadhamu nenzizi kuitira kuti tidzivirire gukuravhu tigowana mvura inokwanirana nguva dzose,” vanodaro.




