Akapisirwa munda wechibage

Kingstone Mapupu
MURIMI wekuGoromonzi anoti akarasikirwa nechibage chaakarima mwaka uno chose mushure mekunge chamwaiwa mushonga unouraya sora chikabva chatsva nevanhu vasati vazivikanwa.

VaDesmond Nyamande (48) vanogara mubhuku raJaravani Marufu, kwaRusike, vanoti vakarima munda wavo wechibage wakakura hekita uyo svondo rakapera vakazoridzirwa nhare vari kuHarare kwavanoshandira ndokuudzwa kuti chibage chavo chose chaoma.

“Ndichitaurirwa nevaiva kumusha vakati chibage chenyu chaoma ini ndokumhanya ndikanozvionera. Ndakashevedza murimisi wedu akandiudza kuti chibage ichi chakadirwa mushonga unouraya sora. Handina chandichawana mumunda uyu, uku kurasikirwa kwakanyanya,” vanodaro VaNyamande.
Vanoti vakazonomha’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP Goromonzi ndokubva yatanga kuferefetwa.

“Ndine vanhu vandiri kunetsana navo nekuda kwemuganhu wemunda wangu uyu vanova vekwaSabhuku Musungate avo vari kuti ndakapinda mumunda mavo. Nyaya iyi yakamboedza kugadziriswa ikasapera nekudaro handichaziva kuti ndiko kwakabva here dambudziko iri,” vanodaro VaNyamande.

Murimi uyu ari kutokumbira rubatsiro kubva kune vane tsiyo nyoro kuti akwanise kudyara mbeu patsva.
“Mamiriro aita zvinhu ari pachena kuti mhuri yangu mwaka uno inofa nenzara. Saka chikumbiro changu kuruzhinji rweZimbabwe kuti dai ndikawana mari yekurimisa zvakare munda uyu ndopidigura chibage chiripo ichi chakatsva ndokwanisa kudyara ringava bhinzi kana zvimwe zvirimwa zvinokurumidza kuibva kana chibage chemwaka mupfupi.”

VaNyamande vanoti nezvakaitika izvi, vave kutotyira mhuri yavo pamwe chete naivo sezvo vasiri kuziva vanhu vakaita izvi.

“Ndave kutyira upenyu hwangu nemhuri. Ndine huku nezvimwe zvipfuyo zvakaita semombe nembudzi uyewo makwai saka ndave kutyira kuti vanogona kuisa muchetura kana kuzvipfuyo nemvura inonwa mhuri yangu. Ndangomirira kuti mapurisa vaite basa ravo vakwanise kuwana vanhu vakaita izvi,” vanodaro VaNyamande.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza vanoti vanoda nguva yekunzwa mafambiro enyaya iyi.

“Tinotenda murume uyu nekukurumidza kunomhan’ara kumapurisa tichitarisira kuti nhubu dzakaita izvi dzinosungwa dzoendeswa kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Mwanza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×