Mvura yemahara kuChi-town

Muchaneta Chimuka
SENZIRA yekuderedza nyaya dzekuungana kwevanhu pazvibhorani apo vanenge vachitsvaga mvura, sangano reChitungwiza Residents Trust – rakabatana neMr Bulk Water – riri kubatsira vagari vedhorobha iri nemvura yepachena.

Director weCHIREST, Alice Kuvheya anoti vari kuita zvijana zvekupa vanhu mvura iyo inotakurwa nemabhauza.

“Takatozivisa vagari vemuno mazuva nenguva dzavanowaniswa mvura yepachena. Hatidi kuti veruzhinji vaungane nekuti zvinokonzera kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Mvura idambudziko guru kuno uye vazhinji vanopona neyekuchera mumatsime iyo ine tsvina. Ndiko kusaka vanhu vari kurarira pazvibhorani.

“Kuita kwakadai kunopa zvekare mikana yekumbunyikidzwa apo vanhukadzi nevana vanenge vakawanda pazvibhorani zvishoma zviri muno,” anodaro Kuvheya.

Mvura yakakosha zvikuru, kunyanya panguva ino yechirwere cheCovid-19 apo vanhu vari kukurudzirwa kukoshesa hutsanana nekugeza maoko avo nesipo nemvura inomhanya.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *