Mvura yemumadhamu yoderera

Wimbainashe Zhakata
HUWANDU hwemvura iri mumadhamu ari munyika yose huri kuderera zvichitevera kusayerera kuri kuita mvura yemunzizi pamwe nekunyanya kushandiswa kwayo mukudiridzira zvirimwa zvemuchando, mashoko aya anobva kubazi reZimbabwe National Water Authority (Zinwa).

Ongororo yakaitwa nebazi iri inoratidza kuti huwandu hwemvura mumadhamu makuru manomwe emunyika ino hwakaderera zvekusvika pachikamu chepakati nepakati che63,2 percent.

Mukushi wemashoko kuZinwa, Mai Marjorie Munyonga vanoti vanokurudzra vanorima nenzira yemadiridziro kuti vashandise mvura zvine hungwaru.

“Kuderera kwemvura mumadhamu kuri kukonzerwa nekusayerera kuri kuita mvura yemunzizi pamwe nekunyanya kushandiswa kwayo munyaya dzemadiridziro ezvirimwa zvemwaka wechando.

“Nomusi wa8 mwedzi uno (Chikunguru) huwandu hwemvura iri mumadhamu munyika hwakaderera nechikamu chiri pakati nepakati kuenda pa63,2 percent kudzika kureva kuti mvura yakaderera nechikamu che0,36 percent kubvira kutanga kwemwedzi uno,” vanodaro.

Vanoti madhamu ese ari munyika akaderera nechikamu chiri pakati nepakati che18 percent kana zvichienzaniswa ne81,2 percent yakarekodhwa musvondo rimwechete iri gore rapera.

“Manyame Catchment ine huwandu hwepakati nepakati hwe84,8 percent, Gwayi 56, 6 percent, Mazowe 89,2 percent, Mzingwane 57,7 percent, Runde 53,2 percent, Sanyati 66,6 percent neSave 78,3 percent.

“Zvichitevera kuderera uku, Zinwa inokurudzira vese vanoshandisa mvura kuti vange vachiishandisa zvine hungwaru. Tinokurudzira zvakare vese vanoshandisa mvura yemumadhamu kuti vange vachizviita maringe nemutemo uye vaine magwaro ekuita izvi (permit),” vanodaro Mai Munyonga.

Vanoti kushandiswa kwemvura nenzira isingafambirani nechitenderano chakaitwa pamagwaro imhosva.

Vapari vemhosva dzerudzi urwu, vanodaro Mai Munyonga, vanogona kubhadhariswa faindi kana kuendeswa kujeri kwemwedzi inodarika mitanhatu.

Dhamu reOsborne rinova rinoshandiswa zvakanyanya munyaya dzemadiridziro mudunhu reManicaland rine mvura ine chikamu che64,4 percent apo Siya Dam ine 96,3 percnet kuchizoti Runde Dam kuBuhera ine 84,4 percent.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *