Zifa rongekai: zikeeper

Abel Ndooka
MUTAMBI wemaWarriors — Edmore ‘Zikeeper’ Sibanda — anoti sangano rinotungamirira nhabvu remuno reZimbabwe Football Association (Zifa) harina kurongeka zvachose zvichitevera kusazadzikisa kwarakaita zvarakange ravimbisa vatambi vechikwata chenyika ichi apo vakaenda kumakwishu eAfrica Cup of Nations kuEgypt nguva yadarika.

Zikeeper aive muchikwata chemaWarriors chakanokwikwidza kuAfcon icho chakashoropodzwa zvikuru nevatsigiri venhabvu uye nevanoongorora mutambo uyu zvichitevera kuramba kwavaimboita kutamba vachiti vanoda kutanga vapihwa mugove wavo wemari neZifa izvo vainge vakavimbiswa.

Muhurukuro neKwayedza, Zikeeper anoti Zifa haina kurongeka sezvo yakange yakavavimbisa kuzovabhadhara mari dzavo vasati vatamba mitambo yavo izvo yakakundikana kuzadzikisa.

“Munoziva zvinozongonzi isu tinokara mari asi isu tinenge tine makondirakiti atinosainiswa nayo Zifa yacho.

“Ivo ndivo vanogadzira makondirakiti acho isu tongonzi iyo chisaina saka unobva washaya kuti isu tinenge takanganisa papi chaipo sezvo isu taingotevedzera izvo zvavainge vati tiite.

“Zvinorakidza kuti havana kurongeka uye havazive zvavari kuita sesangano,” anodaro Zikeeper.

Shasha iyi ndiyo yakabata bhora mutambo wekutanga wemaWarriors uyo vakakundwa 1-0 neEgypt apo akatamba zvainwisa mvura asi haana kuzoupedza sezvo akazobuda mushure mekunge akuvara ndokutsiviwa naElvis Chipezeze.

Mumutambo wechipiri, uyo maWarriors akaita mangange 1-1 neUganda, George Chigova ndiye aive mubati wepagedhi.

Kozoti mumutambo wekupedzisira — uyo maWarriors akazozvamburwa 4-0 neDemocratic Republic of Congo – Chipezeze ndiye aive pamambure uye akashoropodzwa zvikuru zvichitevera kukundwa kwavakaitwa sezvo vamwe vaiti akatengesa mutambo uyu.

Asi, Zikeeper anoramba kuti Chipezeze akatengesa mutambo uyu.

“Munoziva, vanhu iye zvino vanoda kuzongoti heee Chipezeze akatidyisa mutambo uya wekupedzisira weDRC asi havazive zvaiitika kumashure.

“Havazvizive kuti akarara kuma2 am ari mumusangano nevatungamiri veZifa tichida kuti mari ibude. Panguva iyo aifanirwa kunge akazorora achigadzirira zvemutambo, manje haana kuwana zororo rakakwana,” anodaro Zikeeper.

Zvakadai, mutambi uyu gore radarika aitambira Witbank Spurs yekuSouth Africa muNational First Division asi yakapedza iri pasi ndokuburitswa muligi iri.

Pakapera mwaka wegore radarika, ndipo pakabva papererawo kondirakiti yake uye iye zvino ari mushishi kutsvaga chimwe chikwata chekutambira.

“Kondirakiti yangu yakapera gore radarika kuWitbank Spurs saka iye zvino vamiriri vangu vari mushishi kunditsvagira chimwe chikwata chekutambira nekudaro ndakangomirira kunzwa kuti ndezvipi zvavandiwanira.

“Ndichiri mupfana chaiye uye ndine makore akawanda ekuramba ndichitamba nhabvu yepamusoro,” anodaro Zikeeper.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *