Abel ndooka —
MANEJA wemutambi wetsiva ane mukurumbira – Tinashe Mwadziwana – Clyde Musonda anoti shasha iyi yaibva uye yave kukodzera kurwira mabhande makuru etsiva emuAfrica.
Zvichitevera kuhwina kwakaita Mwadziwana svondo radarika apo akakunda Jobson Adams wekuMalawi pazvibodzwa, Musonda anoti Mwadziwana anogona kutevera mumatsimba aCharles Manyuchi.
Chairman – sezita raMwadziwana remadunhurirwa – parizvino akwanisa kutamba mitambo 23 akahwina 12 ndokukundwa 11. Asi kubva gore radarika, shasha iyi haisati yambokundwa uye yange ichitamba zvinonwisa mvura.
“Takatonyorera kuAfrica Boxing Union ikatipa mvumo yekuti tichimurongera mitambo yekurwira mabhande makuru etsiva emuAfrica. Chairman ange achisimukira zvinonwisa mvura makore adarika kubva patakatanga kushanda naye uye tinovimba kuti tarenda raanaro richimusvitsa kure,” anodaro Musonda.
Anoenderera mberi achit, “Mitambo yaarwa yakawanda, inomutendera kuti achirwira mabhande makuru emuAfrica uye tave kutotanga gadziriro dzemutambo wekurwira bhande hombe.”
Mwadziwana anonyanya kuzivikanwa nekurova kwaakaita mutambi wetsiva wekuMalawi – Robert Kachiza – ndokufenda munhandare.




