Mwana (12) ari kushaikwa

Kingstone Mapupu

MHURI inogara mumusha weSolomio, kuRuwa, iri kutsvaga mwanasikana wayo wemakore 12 okuberekwa uyo anonzi akangotsakatika kubva nemusi wa14 Kurume gore rino.

Mwana uyu anonzi akagumisira kuonekwa apo akakwidzwa motokari achibva kuRuwa achida kuenda kuMabvuku uko asina kuzosvika.

VaAlec Marecano (40) vanoti mwana wavo, Abigail Marecano, akakwidzwa motokari nemukoma wake achibva kuRuwa achida kuenda kuMabvuku ndokubva atsakatika.

“Abigail Marecano ane makore gumi nemaviri ekuberekwa uye ari kuita Giredhi 7 paTashinga Primary School iri kuMabvuku. Nemusi wa14 Kurume, akabva pamba kuSolomio, kuRuwa achiperekedzwa nemukoma wake Idah, achienda kumba kwevabereki vangu kuNew Mabvukuuko anogara. Akanga ava kudzokera kuchikoro uye akakwidzwa motokari yerudzi rweToyota Wish paSamutoko Bus Stop,” vanodaro VaMarecano.

Vanoti mwana uyu anonzi akakwira motokari iyi isina kuonekwa mukati mayo kuti yaiva nevanhu vangani iyo inonzi inogara ichitakura vanhu kunzvimbo iyi uye isinawo kuzivikanwa nhamba dzayo.

“Sisi vacho vakadzoka kumba iye ndokuenda nemotokari iyi achida kunoburukira paTM yekuno kuRuwa apo panokwirirwa motokari dzinoenda kuMabvuku.

“Ndakazoridzirwa nhare mangwana acho nevanhu vanogara kumba kwevabereki vangu vachibvunza kuti sei mwana asina kusvika kumba, ndikatanga kuvhunduka kuti pane zvainge zvaitika kumwana wangu.

Kubva musi uyu tiri kungotsvaga mwana uyu.

“Kumusha kwedu kwaMambo Nyajina, kuUzumba, takaridza nhare tikanzi haako uye kushamwari dzake dzekuchikoro kwaanopinda takamutsvaga tikashaya,” vanodaro.

Alec Marecano

VaMarecano vanoenderera mberi: “Handichaziva kuti mwana wangu mupenyu here kana kuti akafa. Ndashaya nezano rose, mwana uyu amai vake vakafa saka anogara kumba kwevabereki vangu kuMabvuku achigara nemukoma wangu Alexio Marecano nevamwewo. Nyaya iyi ndakaimhan’ara kumapurisa ine nhamba dzinoti OB2006/21 uyewo nekuRuwa panhamba dzinoti RRB4791248.”

VaMarecano vanoti mwana uyu aiva akapfeka rokwe dzvuku akatakura bhegi rechikoro reblue raiva nechikafu mukati.

Aive zvakare aine Mbare bag raiva nechibage chinyoro, nzungu nemagaka.

“Ndinokumbirawo kubatsirwa nevanhu veZimbabwe, kunyangwe maporofita nen’anga ngavandiyamurewo ndanetsekana. Kune vanoda kundibatsira ngavaridze nhare dzinoti 0773 026 674 kana 0712 723 285,” vanodaro VaMarecano.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira veruzhinji kuti vasarege vana vachifamba voga kana kukwira motokari kana mabhazi voga sezvo vachiti zvine njodzi.

“Izvozvi hatichaziva kuti mwana akaenda kupi, mwana uyu aifanirwa kuperekedzwa nevanhu vakuru kunosiiwa kuMabvuku uyewo mutemo haubvumidze motokari dzose-dzose kutakura vanhu kunze kwemaZupco chete nemamwe akatenderwa anobatanidza maguta nemaruwa nekumwewo ane matsamba anozivikanwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti mapurisa ari kutsvaga kune mwana uyu uye ndokukumbira kune veruzhinji vane zvavangaziva kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×