Tapiwa ovigwa asi musoro nemaoko

Kingstone Mapupu

MHURI yekwaMakore, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa – iyo ine mwana akapondwa gore rapera, mutumbi wake ndokuzonhongwa ikoko usina musoro, maoko nemakumbo – inoti ichaviga mutumbi uyu neMugovera uno ichitevedza mitemo yose yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Tapiwa Makore Jnr (7) akapondwa gore rapera musoro, makumbo nemaoko ake pamwe chete nenhengo dzesikarudzi zvikadamburwa.

Kune vanhu vakatosungwa nenyaya iyi vanosanganisira vemhuri yekwaMakore vanoti Tapiwa Makore Snr (57) nemufudzi wake wemombe anonzi Tafadzwa Shamba (48) naThanks Makore (57).

Vemhuri yekwaMakore vakawirirana kuviga mutumbi wemwana uyu usina dzimwe nhengo dzinosanganisira musoro.

Izvi zvinotevera kupokana kwavakaita nezvakabuda muongororo dzeDNA dzakaitwa pane mumwe musoro wakawanikwa kukabuda kuti ndewemwana uyu, asi vemhuri vari kuti hauzi.

Mutauriri wemhuri yekwaMakore, Mai Beaulla Musupai (48) vanoti vachaviga mutumbi wemuzukuru wavo vachitevedza zvinodiwa maringe nekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Hapana chichatikonesa kuviga mutumbi wemwana wedu Tapiwa Jnr nemusi weMugovera uno. Tiri kuzviita tichitevedza kurudziro nezviga zvesangano reWorld Health Organisation (WHO). Tava negwaro (register) redu revanhu vekwaMakore nevamwe vachavapo panhamo yekuviga mutumbi vasingadarike makumi matatu 30,” vanodaro.

Vanotenda vezveutano nevamwe vari kubatsirana navo mukuvigwa kwemwana uyu.

“Zvose zvarongeka pakuvigwa kwemuzukuru wangu. Mwedzi mitanhatu yapera takangomirira kuti timuvige kusvika izvozvi,” vanodaro.

Mai Musupai vanoti basa rekuvigwa kwemutumbi waTapiwa Jnr riri kutungamirirwa negweta remhuri, Mai Tabitha Chikeya Mwayera.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×