MWANA ane mwedzi 18 yekuberekwa anonzi akawira mumugodhi ndokufa kuChitungwiza svondo rapera apo musikana webasa aimuchengeta aive akayeverwa paWhatsApp. Njodzi iyi yakaitika panhamba 4853 Unit C panove pamba pevavakidzani vevabereki vemwana wekufa avo vanogara pa4854.
Amai vemwana uyu, uyo ainzi Ashely Majari – Mai Tarisai Majari (33) – vanoti vanorwadziwa zvikuru nefiro yemwana wavo.
“Ini ndakange ndiri kubasa pazvakaitika asi pamba pakange paine musikana webasa naamai vangu, vanova vasiri kunzwa zvakanaka. Ndakazongofonerwa kunzi mwana wangu atova mumochari.
“Zvinonzi mushure mekuwira kwakaita mwana, musikana webasa – Ethel Membere (18) – anonzi akamuburitsa mumugodhi ndokubva amuchinja hembe ndokuenda naye kuChitungwiza (Central) Hospital. Ndakashaya zvivindi zvake.
“Kugara kwese kwemwedzi miviri yadarika haairatidza kuva nechido nevana zvekuti pane dzimwe nguva ndakambotsvaga mumwe musikana akabva kuEpworth ndichiti aende nekuti vanhu munharaunda vaingogunun’una kuti musikana wenyu anogara achingobaya-baya nharembozha yake asingatarise mwana. Murume wangu chaiye kakawanda paaidzoka kumba achiwana vana vari mumugwagwa iye achiona mafirimu mumba,” vanodaro.
Vanotizve vakambonetsana nemurume wavo apo vakange vachida kuti musikana uyu aende asi murume achiti aifanira kugara achifundiswa basa pane kuti vange vachitsvaka mumwe mutsva.
“Pakaitika izvi, murume wangu akangoti ndozvandaitaura kuti zviri nani usiye basa uchengete vana pamba. Saka ndakaona kuti tingarambe tichinakurinana nyoka mhenyu sezvo iyewo airambira kuti musikana uyu asaende apo ndaiona kutadza kwake basa. Pandaisiya $2 yechingwa aishandisa mari iyi kutenga air-time achijusira hake mukomana wake.
“Pane mumwe musi akangofuma ave kuti ave kuenda kumusha kwake nevana vangu asina kana kutitaurira. Akange atovagezesa ave kutobuda navo, ndipo pandakarambira vana,” vanodaro.
Mutumbi wemwana uyu vanoti wakaradzikwa kwakare kuChitungwiza.
“Patakange tave kubva kumakuva, amai vemusikana uyu vakaoneka ndichibva ndangovati vatakurana nemwana wavo sezvo zvaisaita kuti ndirambe ndakatarisana naye.
“Handifungi kuti ndichaita musikana webasa zvakare nekuti chiitiko ichi chandityisa, ndasara nemwana mumwe chete, kahanzvadzi kaAshely.”
Ambuya vemushakabvu, Mai Telmore Chipusire (59), vanoti musi uyu kwakapera nguva yakareba musikana webasa asisingaone mwana.
Vanoti vakangozoshamisika kumuona ave kuuya akamutakura achiti akange amuwana mumugodhi.
“Akangopindawo mumba kwave kumuchinja hembe achibva ananga naye kuchipatara pasina kuudza mapurisa kana vabereki vemwana. Vabereki vake vakatozoudzwa chitunha chave kumochari,” vanodaro.
Vanotiwo musikana webasa uyu aigara akaita chiname nenharembozha yake nekuona mafirimu akazvivharira mumba.
Mai Junior Hadungure (59) vanove muridzi wepamba pane mugodhi wakawira mwana uyu, vanoti vakatouya kubva kumusha mushure mekufonerwa nezvechiitiko ichi.
“Zvakaoma, ini ndinogara kumusha saka pamba apa panogara vana vangu. Mugodhi uyu takange tauchera tichiitira kuti tiwane mvura yekuzodira muchimbuzi paye panomboenda mvura yemupombi. Waingove gomba usina muvharo zvakaita kuti mwana awire. Tiri kurwadziwa zvikuru,” vanodaro.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemusikana webasa uyu sezvo nhare yake yaisabatika kusvika pakudhindwa kwenhau ino.
Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa muHarare, Assistant Inspector Tarirai Dube, vanotsinhira nezvenjodzi iyi.
“Tinoyambirisa vanhu vari kuchera migodhi kuti vaone kuti inogara yakavharwa nguva nenguva nekuti ine njodzi kuvana kana kuvanhu vakuru. Zvakare ziso guru rinofanira kugara riri kuvana kuti vaonekwe kuti vari kutambira panzvimbo dzakachengetedzeka here.
“Tinoyambirazve vanhu kuti vasiyane nekuyambuka nzizi kana kushambira mumadhamu munguva ino yekunaya kwemvura nekuti zvose izvi zvine njodzi,” vanodaro.



