SVONDO rino tiri kutarisa zera rinotenderwa kutyaira mhando dzemotokari dzakasiyana nematanho anofanira kutorwa kuti munhu ange achinzi ave kufanira kutyaira zviri pamutemo.
Mukushi wemashoko kukanzuru inoona nezvekufamba zvakanaka nekudzivirirwa kwenjodzi mumigwagwa, yeTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ), VaErnest Muchena, vanoti munhu asati akatanga kutyaira anofanira kuenda kunonyora bvunzo dzekuti awane gwaro rekudzidzira kutyaira, iro rinodaidzwa kuti Provisional Driver’s Licence (PDL) uye anofanira kupasa bvunzo idzodzi pasina tsvete.
“PDL inotorwa nemunhu ane makore 16 ekuberekwa zvichienda mberi. Kuti munhu akwanise kutyaira motokari diki, anofanira kuve neClass 4 Driver’s Licence. Midhudhudhu inotyairwa nevane makore 16 okuberekwa uye mushure mekufundiswa nenyanzvi zvoonekwa kuti vave kukodzera.
“Motokari dzinorema dzakadai sematarakita nemarori dzinotyairwa nevane makore 18 ekuberekwa zvichienda mberi,” vanodaro.
VaMuchena vanoti mabhazi akakodzera kutyairwa nevane makore 25 okuberekwa zvichienda mberi uye vari vanhu vane zvitambi.
“Motokari dzose dzinotakura veruzhinji dzinofanira kutyairwa nemunhu ane makore 25 kusvika pa70 ekuberekwa uye anofanira kunge aine mamwe makore mashanu ekumashure ekutyaira. Mushure memakore mashanu oga-oga, mutyairi iyeye anofanira kuenda kunovandudza matyairiro ake zvakare (re-test). Kufundira zvakare kutyaira uku kunogona kupaswa kana kufoirwa,” vanodaro.
Vanowedzera vachiti gore negore vatyairi vose vanofanira kuenda kunovhenekwa maringe nenyaya dzeutano, zvikuru maziso nenzeve sezvo iri iyo mimwe yemitezo yakakosha mukutyaira.
“Nzeve dzinofanira kunge dzichinzwa zvakanaka kana dzimwe motokari dzikaridza bhera kana kutaura kunenge kuchiitwa nevanhu vaunenge wakatakura uye maziso anofanira kuona zvakanaka kudzivirira tsaona. Motokari dzose dzinotakura vanhu dzinofanira kunge dzakanamirwa magwaro e’medical test’ uye ‘defensive’ emutyairi necheparutivi rwefafitera. Imhosva kushaikwa kweizvi.”
VaMuchena vanoti magwaro ekufundiswa kutyaira (PDL) emandiriri anowanikwa kumahofisi eTraffic Safety Council of Zimbabwe kwete mumigwagwa nekuti zvinopa vanhu mikana yekufundiswa zvinhu zvisiri izvo.
“Pakunyorwa kwebvunzo dzePDL, vanhu vanokurudzirwa kuenda kumapazi eVehicle Inspection Department (VID) kana vachinge vabudirira votangisa kuitiswa zvidzidzo zvekutyaira izvo zvinoita kuti vawane zvitambi zvekutyaira. Zvitambi zvekutenga, zvemanyepo zvine njodzi nekuti chakakosha kugona kutyaira zvakanaka kwete kuve nechitambi bedzi.”
VaMuchena vanokurudzira vanoda kudzidzira kutyaira kuti vaende kunoita izvi kuzvikoro zvinofundisa kutyaira izvo zvakanyoreswa zviri pamutemo.
“Tine zvikoro zvemanyepo zvaifundisa kutyaira izvo takasunga varidzi vazvo pamwe nevatyairisi vacho vashanu uye vari kuenda kumatare edzimhosva uko vari kutongwa nechikamu chemutemo wekuvamba chikoro chekutyaira chisina kunyoreswa zviri pamutemo,” vanodaro.



