Mwana akatetereka amai vaine chikomba

MUMWE mwana anonzi akatetereka akazowanikwa nababa vake ave kumapurisa mushure mekunge avharirwa panze munguva yeusiku naamai vake apo vaisanana nechikomba mumba.
Leopnard Chiguva akaendesa Chipo Gwabada kudare reHarare Civil Court achida kupihwa mvumo yekugara nemwana wake.

“Mwana akawanikwa husiku atetereka nenyika mushure mekunge avharirwa panze, iye mukadzi uyu akavharirana nechikomba mu’one room’ mwana achishaya pekupinda,” akadaro Chiguva.

“Ndabvunza mwana kuti chii chainge chaitika akati ‘amai vakanditi ndimbogara panze ndimbotaura nasekuru saka ndange ndave kutevera kwamuri baba’. Ndakazonotora mwana kuHarare Central Police Station, iye akavharirana nechikomba mumba achinyepera mwana kuti ndisekuru. Ko dai mwana akauraiwa kana kubiwa? Ndinoda kugara nemwana wangu ndapota hangu.

“Kushaya hunhu kudaro shuwa. Munhu angavharirane nechikomba mumba mwana ari panze? Haagarikike naye mukadzi uyu, ndiye nyakutotiza pamba nekuda varume. Akanga asingagutsikane neni, aienda kuzvikomba nekubhawa ndichigara naye.”

Gwabada akapikisana naChiguva achiti yaiva isiri mhosva yake kurasika kwakaita mwana.

“Iwe ndakakuudza kuti huya utore mwana kupera kwemwedzi wega-wega. Saka ini ndorega kuvharirana nezvikomba zvangu kuti kwauyei?” akadaro Gwabada.

“Ini ndiwo atori mawaniro andinoita mari. Waida kuti ndiite rudo nechikomba mwana akatarisa? Zvaitova nani ndakamuti ndisekuru mari yacho ndiyo iri kuchengeta mwana wako futi. Haundipe mari saka unoti mwana wako anodyei?

“Ndiri nani ndiri kutomuchengeta neyegotsi, iwe hauna kana kobiri raunondipa, mwana handikupe ndewangu.”

Mutongi Babra Masinire akati mwana arambe achigara naGwabada sezvo achiri mudiki.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×