FC Platinum toda kuibika: CAPS

CAPS United yakatsiidza kuti rwendo rwuno inoda kurakasha FC Platinum zvakasimba apo zvikwata zviviri izvi zvichasangana svondo rino muquarter-final  yeChibuku Super Cup.
Zvikwata izvi zvakasangana svondo radarika mufainari yeZNA Charity Cup apo Kepe-kepe yakarikitwa 6-0 zvakaita kuti itange kudanwa nevazhinji kuti “6 Pack” mumutambo wakatambirwa kuMandava Stadium kuZvishavane.

Svondo rino zvikwata izvi zviri kubandana zvekare kuMandava Stadium pamusha pePlatinum iyo vazhinji vanoiziva nezita remadunhurirwa rekuti Kugona kunenge kudada.

Zvakadaro, mukushi wemashoko weCAPS United, Joye Kapota,  anoti chikwata chavo chakafara zvikuru nekupihwa mumwe mukana wekutamba neFC Platinum nekuti vanoda kuikunda zvaisati yamboona.

“Tiri kutofara kuti tapihwa iyo FC Platinum nekuti tiri kuda kuibika zvaisati yamboona svondo rino.

“Svondo radarika yakapona nekubirira, asi svondo rino hakuna izvozvo nekuti tinovimba kuti tichapihwa varidzi vepembe vasina kubirira mukati.

“Tiri kuigadzirira zvakasimba iyo Platinum uye patiri kuenda kumusha kwayo tichanoibata panorwadza pakuru.

“Zvakaitika svondo radarika zvakatopfuura uye hatichade kuramba tichifunga nezvazvo, tave kutarira zviri mberi,” akadaro Kapota.

Chibuku Super Cup quarter-final ichaona How Mine ichisangana neHighlanders mumutambo uchange uchidanwa kuti “Bulawayo Derby”.

Zvikwata izvi makara asingaonane uye gore radarika zvakasangana mufainari yeMbada Diamonds Cup iyo yakazohwiniwa neBosso.

Mune mimwe mitambo yeChibuku Super Cup iriko svondo rino, Black Rhinos ichasangana neTriangle FC kozoti Chiredzi FC ichasangana neHarare City.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×