Sangano rokurudzira kurimwa kwembesa diki

SANGANO rakazvimirira iro rinosimudzira nyaya dzekurima kunyika dziri kuchamhembe kweAfrica rokurudzira kurimwa kwembesa diki dzinoshingirira muzuva senzira yekupedza nzara kudunhu iri.
Sangano iri reCommunity Technology Development Trust (C.T.D.T.) rine muzinda waro muguta reHarare uye riri kushanda nevarimi vemuno nevedzimwe nyika nedonzvo rekupedza nzara kuburikidza nekurimwa kwezvirimwa zvidiki zvisingade mvura yakawanda uyewo zvisinganetse kurima.

Executive director weC.T.D.T, VaAndrew Tonderai Mushita, vanoti varimi vanofanira kurima mbesa diki dzakaita semhunga nemapfunde nezvimwewo.

“Tiri kushanda nevarimi vematunhu akasiyana tichivadzidzisa kurima zvirimwa zvidiki izvi uyewo nekuvabatsira nezvinodiwa. Izvozvi muno muZimbabwe tine varimi vanodarika 50 000, takananga pakuti vanhu vagute uyewo vachiwana mari zhinji kubva muzvirimwa zvidiki izvi,” vakadaro.

Vanoti nekusanduka kwemamiriro ekunze, varimi vanofanirwa kurima zvirimwa zvinoshingirira muzuva.

“Tinoshanda zvakasimba nemakambani anouchika mbeu uyewo nemapazi ose eHurumende, zvikuru bazi rezvekurima, varimi vose kubva vadiki nevakuru tiri kushanda navo muchirongwa ichi. Tinoda kuti mbeu diki dzirambe dzichirimwa, mukatarisa kuMexico vane mbiri yekurima mupunga, kuEthiopia mbiri yavo ndeye kurima gorosi, izvi zvinosimbisa hwaro hwekudya munyika,” vakadaro.

Mamwe matunhu ane varimi vavari kushanda navo vanoti anosanganisira Goromonzi, Mudzi, Mutoko, Uzumba-Marambe-Pfungwe, Chiredzi, Tsholotsho, Chegutu neRushinga.

Vanoti vanobatsira varimi kuwana mbeu pamwe nezvimwe zvinodiwa zvekurimisa.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×