Mwana akayerera nerwizi

Kingstone Mapupu

MWANAKOMANA wemakore gumi nematanhatu okuberekwa uyo aigara nevabereki vake kuChiroti Gate, kudunhu raMambo Dandawa, kuHurungwe anonzi akatsvedza ndokuwira murwizi rwaSanyati svondo rakapera uye mutumbi wake hausati wawanikwa.

Talent Chikochi anonzi aitamba nevamwe vake pedyo nerwizi pakazoitika tsaona iyi.

VaNoah Bikita (21) vanova sekuru vake vanoti vaive kubasa kwavo kuMhangura pakaitika njodzi iyi.
“Ini ndaiva kubasa musi uyu pandakaridzirwa nhare nababa vemwana uyu vachiti Talent ainge awira murwizi rwaSanyati. Mwana uyu anonzi aitamba nevamwe vake uye vaivarairwa nemvura yaizara murwizi urwu kudzimara akazotsvedza padombo ndokuwira achibva ayeredzwa. Ndakazoendako ndikanoedza nevamwe kutsvaga mutumbi wake asi tikaushaya,” vanodaro VaBikita.

Vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuKaroi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Margarate Chitove, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro enyaya iyi.

“Handina zvizere nekuda kwenyaya iyi, chiregai nditaure nevamwe vangu vari kunzvimbo iyi ndinzwe chaizvo zvakaitika,” vanodaro Insp Chitove.

VaBikita vanoti rwizi rwaSanyati rwave nemazuva akawanda rwuzere nekudaro havasisina tarisiro yekuwana mutumbi wemuzukuru wavo.

“Rwizi urwu rwapedza masvondo anokwana matatu rwakazara kureva kuti mutumbi wemwana uyu wakayeredzwa kuenda kure. Tave kungofunga kuti chitunha chemwana hachichakwanisa kuwanikwa nekuda kwenguva yatatora tichiutsvaga,” vanodaro VaBikita.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×