Mwana asingabude mumba

Kingstone Mapupu

MUKOMANA ane makore 12 okuberekwa wemuHarare, anonzi apedza gore nechidimbu akazvivharira mumba achiti ari kutiza vanhu vanomutandanisa vachida kumuuraya.

Blessing Chikonzo, uyo anogara nevabereki vake panhamba 4678 kuHopley Zone 6, anonzi anoti anotya vanhu vechirume vaanoona vachimuinga pamba vachida kumuuraya.

Iye bedzi ndiye anoona vanhu ava.
Anonzi akatanga dambudziko iri munaNyamavhuvhu wa2019 apo vaiva kumusha kwavo kuMacheke.
Mukomana uyu anonzi aitaura kuti pane dzimwe hama dzavo dzaasina kudura nemazita dzaiuya pamba pavo dzichida kumuuraya.

Blessing anogara akazvivhara kumeso nehembe yake achiti haadi kuonana nevanhu vaanoti vanoda kumuuraya ava.

Amai vake, Mai Tsitsi Chirugu Chikonzo (38), vanoti vashaya zano rekuita nekuda kwedambudziko remwana wavo.

“Taive kumusha kuMacheke apo mwana uyu aiita Giredhi 5 ndokungotanga achiti pane vanhu vaaiona vachida kumuuraya avo vanouya nenyoka nemhuka dzesango. Aitiza pamusha achinohwanda musango zvekuti taitozomutevera mudondo imomo tonomunyengetedza kuti adzoke pamba,” vanodaro Mai Chikonzo.

Vanoti imwe nyaya inovanetsa ndeye mumwe mukoma wemwana wavo ari kutaura kuti dambudziko iri richatowedzera izvo vanoti havazive kuti zvinorevei. Blessing anonzi haachada kutaura nevanhu uye anongogara akanyarara akazvivhara kumeso achingova mumba.

“Nzvimbo yaari ndiyoyo, anoswera aripo zvekuti tinozomubvisa kuti anorara. Kudya anodya zvakanaka asi zvakadarikidza.

“Ukada kumuvhura kumeso kwake kana kumubata kumeso munorwisana nekuti anovhika zvibhakera zvemumhepo achifunga kuti ndivo vanhu vaanotaura kuti anoona avo vanoda kumuuraya. Kwatinofamba tinonzi chivanhu, akaiswa zvikwambo zvinogara zvichimurova nekumutevera nevanhu vanoda kuita mari,” vanodaro Mai Chikonzo.

Vanoti mwana uyu asanduka ruvara nekugara akazvivharira mumba sezvo asingaone zuva uye ganda rake rachenuruka.

“Chave kunetsa isu tinomboenda kumabasa achisara oga pamba saka anongozvibatsira ari mumba maanozvivharira imomo. Dzimwe nguva ndinotomumanikidza kuti abude kuenda kuchimbuzi izvo asingade zvachose, anochema kusvikira ava kutirwisa.

“Simba raainaro unonyatsoona kuti harisi rake, saka tinoguma tamusiya. Anoti munoda kundiendesa kumhondi, ndinoguma ndave kumubvisa tsvina achingova mumba. Ukamuisira chemba haakwanise kuitira weti kana tsvina imomo achiti anorohwa nevanhu ava vachimurambidza kuzvibatsira,” vanodaro Mai Chikonzo.
Mashoko avo anotsinhirwa nemurume wavo, VaRonnie Chikonzo (60), vachiti vatambura zvikuru nekuda kwedambudziko remwana wavo.

“Kumusha kwangu chaiko ndekwaZimunya, kwaMutare asi ndakazotama kuuya kuMacheke kumunda. Dambudziko iri rinonzi riri kubva kuhama dzangu, zvikuru kune mumwe mwana wedu wemudzinza ari kutobheja kuti dambudziko remwana uyu haripere,” vanodaro VaChikonzo.

Vanoti vapedza kutengesa mombe, mbudzi nemakwai nezvirimwa kuti mwana wavo abatsirike asi hapana shanduko.

“Ishungu dzangu kuti mwana wangu arapwe aite zvakanaka nekuti kuchikoro aigona zvikuru saka ndinoda kuti adzokere kunodzidza. Uyu mwana wangu mukuru wemudzimai wangu mudiki uyo ndakazotora mushure mekushaikirwa nemukuru. Kune vanoda kutibatsira vanondibata panhare dzinoti 0775 781 475 kana 0772 373 730,” vanodaro VaChikonzo.

Kwayedza yakaedza kutaura naBlessing apo aive akazvivharira mumba asi haana kudavira kana kutsukunyuka paainge agere uye akaramba akazvivhara kumeso nehembe.
Mumba munogara mwana uyu mune gutukutu retsvina.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti dambudziko rine mwana uyu rine chekuita nekushandiswa kwemishonga yekuromba.

“Vabereki vemwana uyu ngavafambire mwana vorega kurara nezamu mukanwa mwana achifa. Zvinopera kukawanikwa vanhu vanogona kubatsira, tinavo,” vanodaro VaKandiyero.

Dr Jemedze vemuguta reHarare vakayambira mhuri iyi kuti vaende nemwana uyu kuchipatara anobatsirwa vachiti dzimwe nguva ane dambudziko repfungwa.

“Mwana uyo ngaaendeswe kuchipatara ivo vachiitawo zvavo zvechivanhu, tinoda kuti mwana abatsirwe,” vanodaro Dr Jemedze.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×