Mwana ari kutsvagwa

Munyori weKwayedza
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) emuHarare ari kutsvaga mwana musikana ane makore 13 okuberekwa uyo anonzi haasi kuzivikanwa kwaari.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Tarirai Dube, vanoti mapurisa epakamba yekuBorrowdale vari kuferefeta nyaya yekushaikwa kwaValerie Maphosa uyo aigara kuBudiriro 2, muHarare.

“Mapurisa edu epakamba yekuBorrowdale Police Station vari kutsvaga musikana wemakore 13 okuberekwa ane muviri uri pakati nepakati anonzi Valerie Maphosa. Ane vhudzi rakasvibirira uye akagumisira kuonekwa nemusi wa24 Kubvumbi gore rino kumasikati kunzvimbo yeConsortium, kuHatcliffe. Aive akapfeka blue jean skirt nebhutsu dzine ruvara rutema nerwegoridhe,” vanodaro.

Insp Dube vanoti Valarie aigara panhamba 2923 Nhoro Close, mumusha weBudiriro 2.

“Chikumbiro chedu semapurisa kuruzhinji rweZimbabwe kune vane ruzivo rwekungava naValerie Maphosa kuti vabate Shiella Maphosa kana mukuru wekamba yeBorrowdale Police Station panhamba dzinoti 0242-860148 kana kutaurira mapurisa ari padyo navo. Vanogona zvakare kuzivisa mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi Investigation Officer Constable Jonga panhamba dzinoti 0776 359 315,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×