‘Onai muroyi’

Kingstone Mapupu
MUPOROFITA wechechi yeKundiso Apostolic Faith wemumusha weBudiriro 2, muHarare, anoti anobatsira vanhu nembiya negirazi umo vanoona varoyi nevavengi vavo.

Madzibaba Gamba, VaMartin Madzura (34), vanoti ikodzero yemunhu kuti aone muroyi wake nevamwe vavengi.

Muporofita uyu anoti varoyi havafanirwe kushaisa vanhu mufaro.

“Ndine mbiya yandinoisa girazi umo vanhu vanoona varoyi vavo,” vanodaro Madzibaba Gamba.

“Vamwe varume havachavimba nemadzimai avo uyewo madzimai haachavimba nevarume vavo. Saka girazi iri rinoita kuti uone girlfriend yemurume wako chaiyo vachitoita zvose uchiona nekwavari. Iwe murume zvakare unokwanisa kuona chikomba chemudzimai wako vari vose nemudzimai wako nekwavakaenda nezvavaiita,” vanodaro.

Madzibaba Gamba vanoti vanoisa rukawo kana kuti runyoka kuvanhu vakaroorana.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *