MUKADZI wekugara achivimbiswa rufu nemurume wake akazopotera kudare achiti upenyu hwake hwava parumananzombe.
Sheila Zinhanga akamhan’arira Tatenda Kakurira kuHarare Civil Court achiti ashaya zororo nekushungurudzwa.
“Upenyu hwangu huri pakaoma chaipo. Chero hope chaidzo mazuva ano hadzisi kuuya nekuda kwemashoko anobuda mukanwa memurume uyu. Ndauya kudare kuti rindibatsire nekuti zvandiomera,” akadaro Zinhanga.
“Murume uyu ari kundirova zvakaomarara pasina chandinenge ndakanganisa. Handizivi kuti ava kuda kuti ndibve pamba pauye mumwe mukadzi here kana kuti kwete.
“Anogara achindiudza paanondirova pose kuti uchafira mumawoko angu kana kuita kafira mberi. Tagarisana kwemakore akati kuti asi handizivi kuti mweya wekugara achindirova wakabvepi.
“Musi waakapedzisira kundirova akandiudza kuti anoda kundiuraya. Saka ndauyawo kuno kuti dare rindibatsire. Kugara naye ndinoda asi tichigarisana zvakanaka.”
Kakurira akapikisana nemashoko emukadzi wake achiti:
“Mukadzi uyu ane pamuromo pamwe chete nekundifungira zvandisingaiti. Anoti kugara tose kwataita nguva refu uku otanga kufungira kuti ndingangodaro ndava nemumwe munhu wandinofambidzana naye.
“Anondituka pose paangofungira kuti ndine kwandinenge ndaswera ndichisasana nevamwe vanhukadzi. Handina pandakambomuvimbisa rufu asi kuti tinogara tichitukana pamwe chete nekurwa. Kana iye achida gwaro redziviriro neni ndinoridawo nekuti anondishungurudzawo zvakare.”
Mutongi Barbra Mateko akapa Zinhanga gwaro redziviriro akati vaviri ava vagarisane murunyararo.




