TEZVARA AKATIZA PARUFU . . . ‘Havana kundipa ruremekedzo’

TEZVARA vanonzi vakabva vachiita zvekutiza kuChitungwiza parufu rwemukuwasha wavo mushure mekunge zvinhu zvaita manyama amire nerongo apo vakanyimwa zvekudya pamwe nekugariswa kunze kwemusha.

Izvi zvakaitika parufu rwaRaymond Maulani, uyo anonzi akafa nekupondwa neshamwari yake kuSouth Africa nguva yadarika.

Raymond ange ari murume waRegina Chiweshe (34), mwanasikana waVaPeter Makubalo, avo vanonzi ivo nemhuri yavo vakabva vachiita zvekutiza panhamo yemukuwasha wavo asati avigwa.

Tete vemushakabvu, Mai Esther Maulani (60), vanoti vakasara vaine mibvunzo yakawanda nemaitiro emadzitezvara aRaymond.

“Nhamo yaRay manzwiro andakaiita nekusvika pakuvigwa kwake hazvina kundigutsa. Vanhu vekumusha kwemukadzi wake vakandishora zvakanyanya, kundiita munhu asina basa. Mukadzi wake akangofonera vabereki vake achitaura nezvenhamo iyi asi ini haana kundiudza kuti Ray afa,” vanodaro.

Vanoti Raymond akakurira pamba pavo asi paakaroora akangogara kwenguva pfupi ndokuzotorana nemukadzi wake vonogara kwatezvara vake.

“Akaita makore 7 ari ikoko. Mukadzi wake akatanga kuenda kuSouth Africa iye akazotevera. Asi paakatumirwa mari nemukadzi pakutanga, tezvara vake vakamutorera vachiti ari kudya mari yemwanasikana wavo. Ndingangoti mwana uyu anga achitemeswa hugariri kabisira.

“Chakandishamisa ndechekuti pakafa Ray pakufambiswa kwaiitwa mapepa ekupondwa kwake kuSouth (Africa), mukadzi wake anonzi aifamba nemunin’ina wemunhu akaponda Ray. Pakauya mutumbi waRay kuZimbabwe, vabereki vacho vaisada kutaura nesu parufu pacho, chero mumba havana kana kupinda.

“Patakaenda kumakuva vakangomirira kuti bhokisi ridzikiswe vakabva vatoenda risati ratombofushirwa,” vanodaro Mai Maulani.

Vanoti tezvara vaRaymond nemukadzi wake vose vakaramba kutaura paguva zvisinei nekuti vakanga vapihwa mukana wacho.

“Chero pataienda kumakuva kwacho tezvara vakarambidza mwana wavo kuti apinde mumota dzaitakura vanhu vekwanaRay. Havana kumbobvira vagara pasi nesu kuti vatiudze kuti mwana wedu akafa sei. Takazoshamisika vanhu vava kutiza paguva munhu asati atombofushirwa.”

Muramu waRaymond, anova mukadzi wemun’ina wake, Raviro Mubaiwa (40), anoti:

“Mukadzi waRay akangouya nechitunha asi hapana waakataurira kuti chii chaicho chakanyatsoitika. Isu taida kuti tigogara navo pasi tinyatsonzwisisa kuti zvakafamba sei asi ivo vakangonyarara.

“Zvinhu zvacho isu hatina kunyatsonzwisisa kuti zvakafamba sei nekuti ivo vekumba kwemukadzi wacho vakamboti toda kuona munin’ina waRay asi havana kuzomuona takazonzwa kuti mukadzi wacho akatodzokera kuSouth (Africa).”

Akaenderera mberi achiti havanzwisise nefiro yemuramu wake.

“Chero paakanga ari kuSouth (Africa), mukadzi waRay aichinja-chinja zvaaitaura, pamwe pacho akambonyepa kwatiri kuti mari yaakanga apihwa yakanga isati yakwana, asi kuvanin’ina vake aivaudza zvimwe,” anodaro.

VaMakubalo vakabvuma nyaya yekutiza parufu rwemukuwasha wavo asati avigwa vachiti vakange vasingapihwe ruremekedzo satezvara.

“Nyaya iyi yakatangira pamari yemhere yakauya kuzobviswa nehama dzemukuwasha. Vakandipa $2 vachiti ndiyo mari yemhere ndikaipa mukadzi wangu nekuti yakanga iri shoma. Mari yemhere yaifanira kukwana kuti tiende kurufu kuChitungwiza tichibva kuno kuEpworth.

“Ndakazotorwa nemumwewo mukuwasha kuti ndiende kurufu nekuti mari yakanga isingakwani. Ndipo pandakaona kuti vanhu ava vakandishora,” vanodaro VaMubaiwa.

Vanoti pavakasvika kuChitungwiza vemhuri yemukuwasha wavo vose vakatiza mumba ndokusiiwa vari voga uye havana kana kumbokwaziswa.

“Pana tete vaRay vanogara kuno padhuze-dhuze asi kubva pavakanzwa nezverufu rwemwana wavo havana kana kuuya kuti tizoonana asi Ray pamwe chete nemukadzi wake ndini ndaivachengeta. Havana kana kuda kuuya kunzwisisa kuti zvakafamba sei.”

Tezvara ava vanoti mwanasikana wavo akavafonera ari kuSouth Africa achiti murume wake akange apondwa neshamwari yake mushure mekunge vanetsana.

“Akati Ray akanetsana neshamwari yake inonzi Tatenda mushure mekunge Tatenda anetsanawo nemunin’ina wake nenyaya yepasipoti. Mukuda kuedza kuvayananisa, nyaya inonzi yakazosarira kuna Ray zvakazoita kuti Tatenda atevere Ray kubhawa kwaakanga ahwandiswa ndokumuponda nesando mumusoro,” vanodaro VaMakubalo.

Vanoti Ray haana kubvisa kana kobiri reroora kwavari.

“Hama dzake dzaimusundirana vasingamudi nekuti akanga asina vabereki varipo. Zvavo zvekuti aitema hugariri ipfungwa dzavo, ndaigara naye semwana wangu.

“Chatinoziva ndechekuti parufu rwemukuwasha tezvara vane imba yavanopihwa munoitirwa zvirango asi parufu rwaRay hatina kuona izvi. Taigariswa kunze, hatina kana chikafu chatakapihwa, havana kutaura nesu. Hameno kuti vaitya kuti taizobvunza roora here.

“Ini satezvara vangadai vakandipa imba yangu. Tsanangudzo taipanana sei ivo vasina kundipa imba? Mwana wangu aichema murume wake vakamutarisa kudai, havana kana chikafu chavakamupa.

“Vachadawo vana vemukuwasha vandiri kugara navo ndipo patichazoonesana kuti zvakamira sei tava kugara pasi kuti titaurirane.”

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×