Unilever yakapa mabhuku kuChitsere

Muchaneta Chimuka
KAMBANI ine mukurumbira wekugadzira zvinhu zvekushambidzika, yeUnilever Zimbabwe, svondo rapera yakapa mabhuku ekunyorera 2 500, mabhokisi esipo pamwe nemishonga yekugeza zvimbuzi kuChitsere Primary School, chiri kuMbare, senzira yekusimudzira dzidzo. Rubatsiro urwu rwakapihwa kuchikoro ichi pazuva guru repasi rose rekushambidzika kwemawoko re8th Global Hand Washing Day.

Vachitaura pachiitiko ichi, director weEnvironmental Health Services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, VaGoldberg Tendai Mangwadu, avo vaive muenzi anoremekedzwa, vakati chirongwa chekugeza mawoko chakakosha mukuderedza ndufu dzevana vari pasi pemakore mashanu nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nekusashambidzika.

“Kugeza mawoko nesipo kwakakosha uye ndechimwe chechirongwa che’Help A Child Reach 5 Campaign’. Kugeza mawoko kunoderedza zvirwere zvemanyoka izvo zvinoita kuti vadzidzi nevadzidzisi vawanikwe vachirovha kuchikoro nguva nenguva zvichizomutsa kudofora,” vakadaro.

Vanoti chirongwa chekushambidzika ichi chiri kutsigirwa zvakare nebazi rezveutano nekurerwa kwevana uye chasvika kuvanhu 257 miriyoni munyika 24 kubvira mugore ra2010. VaMangwadu vanoti kana vanhu vasina sipo vanogona kushandisa mvura nedota mukushambidza mawoko.

“Gore negore vana vanodarika 3,5 miriyoni vari kufa vasati vasvitsa makore mashanu nekuda kwezvirwere zvemanyoka. Kugeza mawoko nesipo kwakaonekwa kuchibatsira mukuuraya utachiona hunowanikwa kana munhu achinge abva kushanyira zvimbuzi kana dzimwe nzvimbo dzisina kushambidzika,” vakadaro.

Vanotizve zvakakosha kuti vana vechikoro nevanhu vari munharaunda vange vachifundiswa nezvekugeza mawoko nesipo pamwe nemvura inomhanya kuitira kuti vachengetedze upenyu.

VaAnele Zunga, avo vanove acting country manager kuUnilever Zimbabwe vakati chishuwo chavo kuti vanhu vagare vakashambidzika.
“Nyika iri kurasikirwa nevashandi uye upfumi hwenyika huri kuderera nekuda kwezvinhu zviri nyore zvinokwanisa kudzivirirwa sekugeza mawoko. Mugore ra2008 takarasikirwa nezviuru zvevanhu nekuda kwechirwere cheCholera. Gore rino, takakwanisa kupa dzidziso yekugeza mawoko kuvana 46 000 vari mumatunhu mashanu,” vakadaro.

Zvakadai, vashandi vekambani iyi vakayambirawo vadzidzi kuti vasiyane nekatsika kekunyora zvituko kumadziro ezvimbuzi vachishandisa tsvina yavo sezvo izvi zvichibatsira mukupararira kwezvirwere zvemanyoka.
Mhemberero dzerudzi urwu dzinogaroitwa nomusi wa15 Gumiguru gore roga-roga.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×