Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga mwanakomana wemakore gumi nerimwechete okuberekwa uyo anonzi akagumisira kuonekwa nemusi wa18 Mbudzi kwakare kuMasvingo.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti ari kushaikwa uyu anonzi Delight Matondo anogara kunzvimbo yeVictoria Range kuMasvingo.
Vanoti mwana uyu akagumisira kuonekwa nemusi wa18 Mbudzi nenguva dza6 mangwani gore rino.

“Tine chikumbiro semapurisa kune ruzhinji kuti vatibatsire nemashoko ekuti Delight Matondo awanikwe, akangoshaikwa pamba nemusi wa18 Mbudzi nenguva dza0600 hours akaenda kusina anoziva. Angangodaro akareba mamita 1,05 uyewo ari mushava aine muviri uri pakati nepakati. Akagumisira kuonekwa akapfeka T-shirt tsvuku ine mitsetse, tarauzi remaroon nemapush matema,” vanodaro Insp Dhewa.
Vanoti vanokumbira kuruzhinji kune vanenge vaona mwana uyu kuti vazivise mapurisa ari padyo navo kana kuridza nhare kuna Officer In-Charge Chikato ZRP Inspector Zivai Mlambo, panhamba dzinoti 0775 769 826 kana 0392262137 uye kutaura naInvestigating Officer vanova Constable Sibongile Magonde panhamba dzinoti 0783 217 981.
Vanogona zvakare kuzivisa mapurisa anodyidzana neruzhinji kuMasvingo panhamba dzinoti 039226442 kana 0775 996 945.
Zvakadai, Insp Dhewa vanoti vari kushushikana zvakanyanya nekuda kwevamwe vana vari kushaikwa zvachose mudunhu ravo.
Vanokurudzira vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vavacherechedze nguva dzose nekuonawo vavanotamba navo.




