Mwanakomana (13) adimburwa chigunwe nekuda kwengoma 

Takunda Gambiza

MURUME ane makore 30 okuberekwa wekuChegutu, uyo akarwisa mukomana wechidiki mushure mekunge aramba kumupa ngoma yake kuti aridze pachirongwa chenyaradzo uye ndokuzomuruma nekudambura chigunwe chake chepakati, akatongerwa kugara

mujeri kwemwedzi mishanu.

Benard Nguwo akamiswa mudare reChegutu Magistrates’ Court ndokubatwa nemhosva yekuruma chigunwe chemukomana ane makore 13 okuberekwa panguva iyo vakanetsana nenyaya yekuridza ngoma pane imwe nyaradzo nemusi wa20 Gunyana.

Nguwo akada kutora ngoma kubva kumukomana uyu asi akaramba zvakaita kuti aviruke nehasha. Nguwo akaruma chigunwe chepakati chekurudyi chemukomana uyu icho chakabva chadambuka zvachose.

Dare rakamutongera kugara mujeri kwemwedzi misere.

Zvisinei, mwedzi mitatu yemutongo uyu yakasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti anofanirwa kuita hunhu hwakanaka.

Izvi zvachamuona achigara mujeri kwemwedzi mishanu.

|Mugwaro rakaburitswa, National Prosecuting Authority of Zimbabwe yakakurudzira veruzhinji kuti vagadzirise kunetsana kwavo murunyararo. Yakayambira kuti kuita mhirizhonga nekuda kwekusanzwisisana kusina tsarukano hakuzi kuzotenderwa pasi

pemutemo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *