Mwanasikana (15) oshaikwa aenda pa’next door’

Kingstone Mapupu

MHURI inobva kwaNyama kudunhu raMambo Mapanzure, kuZvishavane iri kutsvaga mwanasikana wayo wemakore gumi nemashanu okuberekwa aigara naambuya vake kuRuwa mushure mukubva pamba ndokurega kuzoonekwa zvachose.

Mwanasikana ari kutsvagwa uyu anonzi Nancy Tavengwa uyo aigara naambuya vake, Mai Filis Chauke (62), nasekuru panhamba 369 B mumugwagwa waSeke kuRuwa.

Aiita Form 3 pachikoro cheDisp Academy kwakare kuRuwa. Baba vemwana uyu, VaWisdom Tavengwa naamai vake Mai Dudzirai Zhou, vose vanogara kumusha kwavo kwaMapanzure.

Mai Cereen Sithole (29) vanova amainini vaNancy vanoti akashaikwa nemusi wa19 Gunyana mangwanani apo aiva pamba pavo kuRuwa.

Anonzi akashevedzwa nevana vemuvakidzani vachida kubatsirwa kusandudzira screen yepavharanda pavaiva vari.

“Mwana uyu anogara naambuya mudzimai wasekuru apo vabereki vake vachigara kumusha kwaMapanzure kuZvishavane. Zvinonzi aiva pamba apo akazoshevedzwa nevana vepanext door vachiti avavhurire screen yepavharanda. Kubva paanonzi akaenda pamba

apa haana kuzodzoka kusvika nanhasi. Anoita Form 3 pane chimwe chikoro chiriko,” vanodaro Mai Sithole.

Mai Chauke avo vaigara nemwana uyu vanoti muzukuru wavo akabva kuchikoro masikati ndokutanga kuwacha mbatya dzake dzekuchikoro achibva abika mazai emumwe mwana anoita ECD.

“Muzukuru wangu akabva kuchikoro ndokuwacha yunifomu yake nekuti rechimangwana racho aizoda kuenda kuchechi nevamwe sezvo tichipinda SDA.

Ini ndaiva ndakarara sezvo ndichirwara nemakumbo handigone kufamba. Paakagumisira kuonekwa, mwana uyu aiva akapfeka rokwe dzvuku. Takazotanga kumutsvaga zuva rodoka tikamushaya kusvika nanhasi,” vanodaro Mai Chauke.

“Mwana uyu ashaikwa kudaro, nyaya iyi yakanomhan’arwa kumapurisa ekuRuwa ZRP akabva atanga kufeya. Sevabereki vemwana uyu, tinokumbira kuruzhinji kune vanenge vamuona kuti vatibatsire nekwaakaenda.”

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya yekushaikwa kwaNancy.

“Tine mhuri inogara kuRuwa iri kutsvaga mwanasikana wemakore 15 uyo anonzi akangobva pamba nemusi wa19 Gunyana achienda pavavakidzani ndokushaikwa zvachose kusvika izvozvi. Tinokurudzira kune vanenge vamuona kuzivisa mapurisa ari padyo kana

hama dzake uye vamwewo vanhu vanomuziva,” vanodaro Commissioner Nyathi. Kune vane zvavanoziva nekushaikwa kwemwana uyu vanokurudzirwa kuridza nhare panhamba dzinoti 0785 868 686, 0773 344 133, 0773 392 477 kana 0780 574 250.

PIX:

Mhuri yoshaya mwanasikana kuRuwa-03/10/25

Nancy Tavengwa Commissioner Paul Nyathi

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×