Mwedzi 10 mujeri mudzimai awanikwa aine mutoriro

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekubatikidzwa nemapurisa achitengesa mutoriro pamba pake kuChitungwiza – Winnet Nemhara (42) –  akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, VaDennis Mangosi, vakazomubvisira mwedzi mishanu pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Nemhara, wepanhamba 9974 Kubatana Street kuUnit H, akatongwa pasi pemutemo unorambidza kushandisa kana kutengesa zvinodhaka (Possession of Dangerous Drugs as Defined in Section 157(1)(a) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 09:23 ARW, Section (2) Statutory Instrument 167 of 2024 of the Dangerous Drugs Amendment) Regulation 2024 No// 11 Posession of Methylenedioxymethamhetamine.

Zvisinei nekuti Nemhara akamboedza kuvhika mhosva iyi achiti haasi kuziva kuti akasungirwei, dare rakamubata nemhosva zvichitevera hudzamu hweumbowo hwaivepo.

“Mhosva yandakasungirwa handiizive uye ndinoiramba,” anodaro.

Muchuchisi Shamiso Mwapangira vakaudza dare kuti nomusi wa18 Kukadzi gore rino munguva dzemanheru, matikitiva ekuchikamu cheCriminal Investigations Department (CID) Drugs and Narcotics akanyeverwa kuti Nemhara aitengesa mutoriro mumba make.

Vakabva vaenda kunoita ongororo vakamuwana akagara muimba yekutandarira.

Vakazvizivisa kwaari kuti vaive matikitiva uye vaida kumusecha, saka vakatanga nekusecha muviri wake vachibva vawana kapaketi kanoiswa mapiritsi kaine mutoriro mukati kari pachidya pake zvakaita kuti vamusunge.

Mutoriro uyu wakanovhenekwa ukaonekwa uri mumupanda wezvinodhaka zvisingabvumirwe munyika uye wairema 11,4922g uye uchikosha ZiG 2 356.

 

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×