CHIKWATA cheMWOS, icho chine ukasha, chave kurwira kutora mukombe weChibuku Super Cup zvichitevera kukundikana kwachakaita muPremier Soccer League (PSL).
Kukundwa kwachakaitwa muPSL neScottland kwakabva kwaita kuti chirase tariro yose yokutora mukombe weligi iri.
Chikwata chaLloyd Mutasa ichi chichatamba neTriangle kuNgoni Stadium mumutambo weChibuku Super Cup semi-final nomusi weMugovera.
Chinogona kutamba neDynamos kana Highlanders mufainari yemutambo uyu.
“Patasvika apa muligi kwatiri ibhonasi asi tatorasikirwa uye tave kunangana nemukombe (Chibuku Super Cup),” anodaro Mutasa.
“Asi zvakangodaro, tichatamba nokuda kwezvatiri uye nekuzvida mumitambo yeligi yasara apo tiri kutanga kuvaka chikwata chemwaka unotevera.
“Tinoda kurwira Chibuku Cup uye tofadza mushandirwi wedu nevatsigiri, vanogara vachiuya muuwandu hwavo kuzotitsigira. Nokudaro, tinofanirwa kuwanawo zvimwe zvatinovapa zvinounza nyemwerero kwavari.”
Kana MWOS ikasimudza Chibuku Super Cup, inobva yaita chikwata chechipiri kutora mukombe uyu mumwaka wokutanga ichangopinda muPSL, ichitevera Ngezi Platinum Stars, iyo yakahwinha mukombe uyu muna 2016.
“Panguva ino, apo mwaka wafamba, zvikwata zvakawanda zvinenge zvisina chokurwira. Nokudaro, ndiri kufara kuti tichiri murwendo rwekurwira mukombe uyu,” anodaro Mutasa.
“Manzwiro acho atiri kuita unoziva anofadza, semurairidzi uye semutambi, kana mamiriro ezvinhu akadai akauya, unogara uchiti kana tiine mukana, saka tinotadza nei?
“Muligi, takazama, tikarwa kuenda mberi asi tinofanirwa kuzvigamuchira kuti izvi zvadarika. Nokudaro, tave kuisa simba redu rose kuChibuku Super Cup.”




