‘N’anga nemaporofita havarape aids’

Malven Mugadzikwa
SANGANO reNational Aids Council (NAC) rinoti hakuna n’anga kana muporofita anokwanisa kurapa utachiona hweHIV kana chirwere cheAids uye veruzhinji vanofanirwa kungwarira avo vanoti vanorapa denda iri. VaFreeman Dube, avo vanova NAC research and documentation co-ordinator, vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pamusangano wezvidzidzo zvavakaitisa varapi vechivanhu kwaMurehwa.

Zvidzidzo izvi zvaive zvekupa ruzivo kune n’anga nemaporofita pamusoro pemabatirwo anotarisirwa kuvarwere vanenge vaine utachiona hweHIV kana chirwere cheAids.

“Kubva mutsvakiridzo dzatakaita, hakuna munhu chivanhu kana chiporofita chinokwanisa kurapa munhu ane denda reHIV neAIDS richipera. Vanhu vanorapa nechivanhu zvavangagone kuita kurapa mamwe matenda anokwezvwa nechirwere ichi kuti adzikire kana kupere. Asi denda racho chairo havakwanisi kuripedza nemishonga yavo yechivanhu kana zvechiporofita,” vanodaro VaDube.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, NAC provincial Aids co-ordinator wekuMashonaland East, Dr Wilfred Dube, vakati zvakakosha kuti n’anga nemaporofita vadzidziswe mabatiro avanoita vanhu vanenge vaine zvirwere zvakasiyana, avo vanoenda kwavari vachitsvaga rubatsiro.

“Izvi zvinotibatsira nekuti vanhu vazhinji vakarwara patsika yedu vanotanga kufungira mweya yetsvina kana huroyi vasati vaenda kunoongororwa ropa ravo kuti harina utachiona here. Chirongwa ichi chakananga kudzidzisa vanorapa nemishonga yechivanhu kuti vakurudzire nekubvunza vavanorapa kuti vaongororwe chirwere vasati vaenda kwavari kana kuti vabva kwavari.

“Isu seNAC tinoda kubatana nevamwe vari mune zveutano mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS nekuti tichiri mubishi kutsvaga mushonga ungapedza denda iri,” vanodaro.

Mumwe wevarapi vechivanhu akapinda muzvidzidzo izvi, VaLuckmore Tsanzirai Mbayo, vakatenda chirongwa ichi vachiti chakavapa ruzivo rwakadzama pamusoro peHIV neAids.

“Zvidzidzo izvi zvakanaka chaizvo nekuti kazhinji isu tinorapa tichishandisa chivanhu hatiwane nguva yekumboudzana nezvedenda iri. NAC yatigonera nekuti tisati tadzidza izvi taingoti pachivanhu tinozvipedza uye zvaitiremera kuti titumire munhu kuchipatara,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaReuben Zvinairo vachiti vanhurume vazhinji vanopotera kwavari vabatwa nezvirwere zvepabonde vachavayambira kuti vaongororwe HIV neAids.

“Iniwo ndadzidza kuti denda hariverengerwe.
‘‘Kune varume vazhinji vandinopa mishonga kakawanda vachiuya vaine zvirwere zvepabonde. Ndisati ndapinda muzvidzidzo izvi ndaingoti ndini ndinozvipedza asi ndazodzidza kuti dzimwe nguva varwere ava vanenge vaine utachiona hweHIV asi vasingadi kuenda kuzvipatara kuti vaongororwe vagopihwa mapiritsi,” vanodaro VaZvinairo.

Pakapera musangano uyu, n’anga nemaporofita vakaita zvidzidzo izvi vakapihwa magwaro (certificates).

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×