KUSHAIkiRWA nevabereki chinhu chakaoma. Nguva zhinji tiri panhamo kana pasisina mubereki, hama dzinoisa misoro pamwe chete kutarisa kuti pane angakwanise kuriritira vana here. Kana vana vari vatatu kana kupfuura tinoona kuti havakwanise kuchengetwa pamwe chete semakuriro avanga vachiita amai nababa vari vapenyu.
Kana ambuya, vangave vakabereka amai kana baba, vari vapenyu ndivo vega vanokwanisa kutakura mhuri iyi isina kupatsanurwa nekuti havasarudze.
Zvakadaro, kana tiri isu venyama tinowanikwa tichiti ini ndinokwanisa mwana mumwe chete, vangu vana vasikana naizvozvo ndinotora musikana mukuru. Kuita vana vekusarura kunge mombe pamariketi, aah zvakaoma chokwadi! Asi nherera inokura naizvozvo ngativariritire vayambuke pavasiirwa vari.
Munyika ino tine nherera dzinosvika 700 000 avo vanorarama zvakaoma, izvi zvakaziviswa negurukota rehutano nekurerwa kwakanaka kwevana, Dr David Parirenyatwa muguta reHarare nguva pfupi yadarika.
Vakataura mashoko aya apo vaitambidza cheki yemari inosvika $1,2m kubazi reSocial Welfare yakabva kusangano reNational AIDS Council yekubatsira vana vechikoro vanoshaya pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM).
“Kutambura kwenherera kwasvika pakaoma. Takatarisa kuoma kwakaita hupenyu, munguva ino nherera dzinowanikwa dzichishaya chekudya. Vana vazhinji havasi kuenda kuchikoro uye vamwe pekugara pakakodzera havana naizvozvo mari iyi inorerutsa ndima mudzidzo yevana ava,” vakadaro Dr Parirenyatwa.
Kune mhuri dzave kutungamirirwa nemumwe mwana mushure mekunge vabereki vose vashaika. Vana ava vanosvika panguva yakaoma zvekuti vamwe vanopedzisira vapinda mukutengesa miviri yavo.
Vana ava vanowanikwawo vachiregera chikoro panzira, vamwe ndivo vanotengesa pangave pamusika kana kutsvaga mabasa ekushanda mudzimba vachiri ndumurwa.
Zvakadaro, vamwe vabatsiri venherera ndivozve vanowanikwa vobhinya vana ava zvinova zvinosuwisa zvikuru.
Nyangwe kuine rubatsiro urwu rwapiwa harukwanisi kuti mwana wose anoda kuenda kuchikoro avhumbamirwe.
Iyi mari yakapihwa kuBEAM haikwanise kubhadharira vana vose naizvozvo kune masangano akawanda anobatsira asi ini ndinokurudzira chinyakare chedu chaiti mwana watete ndewako, mwana wemunharaunda ndewako.
Mumisha tinoona kuine zunde ramambo iro rinova rinobatsira vanoshaya, vangave nherera, vakwegura nevakaremara.
Izvi zvinhu zvinokurudzirwa uye zunde rinoisa goho kuburikidza neminda yarinaro, vanhu vasingakwanisi kuuya kumunda kujana vanounza dziri mbesa kana goho. Vamwe ndovanopawo mombe kana huku zvose izvi mambo achichengeta semuriritiri wedunhu.
Tikadzokera pakugarisana nekutora mwana wose sewako, mwana akashaikirwa nevabereki anowana dzidzo inozova zambuko guru muhupenyu hwake.
Wenyu:[email protected]




