Zvikoro 40 zvokweshana mumakwishu emarimba

Daphne Machiri
KUCHANGE kusingadanwe anonzwa neChishanu svondo rino muguta reHarare apo zvikoro 40 zvepuraimari nesekondari kubva kumativi mana enyika zvichakwikwidza mumakwishu ekuridza marimba, anodaidzwa kuti Tambarira Marimba Festival. Murongi webasa iri, VaDonald Chidavaenzi, vanoti makwikwi aya achaitirwa muHarare Gardens uye gore rino donzvo ravo nderekusimudza vaimbi vanoridza musambo wechinyakare vachishandisa marimba zvichienderanawo nedingindira ravo rekuchengetedza chinyakare.

“Dingindira ratinaro gore rino nderekuchengetedza chinyakare nehunhu hwedu sezvizvarwa zveZimbabwe,” vanodaro VaChidavaenzi.
Zvikoro zvichapinda mumakwikwi aya zvinosanganisira zvemuHarare, Gokwe, Bindura, Marondera neBuhera.

“Chimwe nechimwe chezvikoro izvi chichapihwa mukana wekuratidza matarenda mukuridza marimba uye vachakunda vachaenda kumakwikwi ekuSouth Africa gore rinouya muna Nyamavhuvhu vachinomirira Zimbabwe,” vanodaro VaChidavaenzi

Gore radirika, chikoro cheChurchhill Boys High chemuHarare ndicho chakatora mubairo pazvikoro zvose zvesekondari kuchiti Convent CZM chekuGokwe chikakunda zvikoro zvepuraimari.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *