Muchaneta Chimuka naDaphne Machiri
MAPURISA ekuChitungwiza akatozopindira mukupedza zhowe-zhowe apo mumwe mukadzi chembere anoroja ikoko ainge orikitwa kurohwa nemuridzi wemba ndokuzosiya akandirwa chitunha chemwana ainge achangofa asina kurwara pamubhedha wake.
Munyaya ine kakupumhana mabasa akashata, muridzi wemba neroja rake chembere vanonzi vainge vambotanga vaudzana makobvu nematete pamusoro pemari yemagetsi apo panonzi pakazobuda shoko raiti “uchazviona”.
Izvi zvakaitika nemusi weChitatu svondo rapera panhamba 600 Mautsanai, kuSt Mary’s.
Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi chembere iyi yakanetsana nemuridzi wemba nenyaya yemari yemagetsi.
Sezvineiwo, mangwana acho, zvinonzi mwana mucheche wemuridzi wemba akazongofa asina kurwara.
Kwayedza payakasvika pamba apa zhowe-zhowe iri riri pakati kuitika, paive nechaunga chevagari venzvimbo iyi nemapurisa ekukamba yeSt Mary’s Police Station ayo aiferefeta nyaya iyi.
Mbuya Catherine Madhori (59) vanoti vakakandirwa chitunha pamubhedha wavo ndokurohwa naStephen Kanyama (32) zvichitevera kufa kwemwana wake.
“Ini ndiri roja pamba apa uye handinei nevanhu. Ndakatanga kugara pamba apa 1978, musi wa 5 Zvita. Ndaigarisana nevabereki vake Stephen Kanyama, handina dambudziko randakaita.
“Ndange ndave kuda kubva zvangu pamba apa kupera kwemwedzi uno. Handisi muroyi uye handina shavi renjuzu rinouraya vanhu ravari kutaura. Ndiri munhu anochengetwa nevana zvakanaka ndichizvichenera. Zvakare handina kana kumbomutuka,” vakadaro Mbuya Madhori pamberi pemapurisa nevatori venhau.
Vanoti Kanyama akavapumha huroyi mushure mekufa kwemwana wake.
“Akauya mumba mangu achindirwisa akandisandudzira ndokundimbanya ruwoko rwangu, rwakatodunduvira ropa. Akabva ati ndimi mauraya mwana wangu, achiti makanditi ndichazviona,” vakadaro vachiratidza zidzvanga ravaiti nderekurwiswa kwavakaitwa.
Vanoti havana kana musi wavakatadza kubhadhara mari yerendi kana yemagetsi.
“Uyu mwana uyu (Stephen) aitogara akadzingwa nevabereki vake vachigara kuMount Darwin vachiti ane hutsinye. Ndizvo zvaandiitira nhasi, kunditendeka huroyi kuti ndini ndauraya mwana wake. Ini handinei nechekuita nemwana wake,” vakadaro Mbuya Madhori.
Kanyama anoti firo yemwana wake, Tinotenda Kayama, inomushungurudza zvikuru.
“Ambuya ava ndakanetsana navo nenyaya yekusabhadhara magetsi ekujusa, $20. Vakazondituka vachiti, ‘Uri mwana mudiki kwandiri, wandibvunzirei mari yemagetsi? Handina, handisati ndatumirwa mari.’
“Vakabva vatizve, ‘Hauna zera neni. Unondibvunza wakamira pamusuwo wangu sei? Unoda kundijairira, uchazviona’,” akadaro Kanyama.
Akaenderera mberi achiti: “Ambuya ava vane mudzimu wenjuzu saka pandakaona mwana wangu afa ndakaenda ndichinovaratidza kuti onai zvaita mwana wangu mushure mekunge abuda ropa nefuro mumhuno.”
Kanyama anoti vanotozeza kubvunza Mbuya Madhori mari yerendi nemagetsi.
“Mwana wangu mukomana mudiki, Blessing, ndiye aona mwana achibuda ropa mumhuno nefuro mukanwa. Tazoenda nemwana kuchipatara cheChitungwiza (Central) Hospital akabva anzi atofa kare,” akadaro Kanyama .
Mudzimai waKanyama, Loveness Mhende (24), anoti mwana wavo akange asingarware.
“Mwana wangu anga asina kana dambudziko, ange ave nemwedzi miviri yekuzvarwa. Ndakabva ndichienda kumusika ndakamubereka asingacheme ndikafunga kuti ainge arara.
“Mwana wangu mukuru, Blessing, ndiye akazoti mwana ari kubuda ropa mumhino ndikamuburutsa. Mai vandinotengesa navo pamusika ndivo vakazoti mwana afa. Ava mwana wangu wechipiri kufa,” akadaro Mhende.
Vakangozivikanwa nekuti Mai Mutero, vanova muvakidzani wepamba apa, vakatsinhira kuti vakaona Kanyama achikanda chitunha chemwana wake pamubhedha waMbuya Madhori.
“Shuwa ndaona mwana achikandwa pamubhedha mumba maMbuya Madhori,” akadaro Mutero.
Pasi pemitemo yemuZimbabwe, imhosva kupumha munhu huroyi pasina humboo hunogutsa matare edzimhosva.




