Ndabaningi akabatwa huruweki

MURUME wekurwadziwa nekurambana kwaakaita nemukadzi wake anonzi akazoedza kudzipa mudzimai uyu achida kumuuraya apo aiti anoda kudzoserwa mari yake yaakamurooresa.
Angeline Ndabaningi akamhan’arira aimbova murume wake, Takesure Mudzimu, kuHarare Civil Court achiti apfidza nekugara achizvamburwa.

“Changamire, nababa ava takasiyana kare asi vanoramba vachiuya kumba kwangu kuzonditukirira pamwe nekundirova. Anogara kuConcession asi chero nguva yaada anouya kumba kwangu kuDomboshava osvikonditaurira mashoko anoita kuti ndinyare kutarisana nevanhu,” akadaro Ndabaningi. “Anogara achitumira mameseji ekutuka panharembozha yangu pamwe nekufona. Mumwe musi akatoti ‘ndoda kukuuraya ndobva ndazviurayawo nekuti uri mukadzi wangu, kana zvakadaro ndipe mari yandakabvisa pakukuroora’. Akatozouya kumba ndokundidzipa achida kundiuraya ndikazomhanyira kumapurisa.”

Mudzimu akapikisa zvainge zvataurwa achiti: “Ndinopikisana nezvataurwa naamai ava, ndingatoti vari kundinyepera. Paakauya kumba kuzotora nhumbi dzake akatosiya ndiye andituka, ini handina kumbobvira ndamurova kana kumutuka.

“Semunhu anogara pachikoro cheMakumbe Mission, pedyo nechipatara, angadai aburitsa umboo hwekuchipatara hwekuti akarohwa akarapwa. Kureva kuti ari kunyepa.”

Ndabaningi akabva amugamha achiti: “Kuchipatara kunoendwa nemunhu akuvara kana kurwadziwa zvakanyanya, ndosaka ndakenda kumapurisa. Pandatosvika pano atonditi hapana zvaunoita, uri mukadzi wangu. Ini ngaasiyane neni nekuti takarambana zviri pamutemo.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati vaviri ava vazodzoke kudare zvakare apo aizopa mutongo wake.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×