Otsvaga rubatsiro rwekombiyuta

MUSIKANA wemuHarare ane makore 22 okuberekwa, uyo ane dambudziko rekusanyatsoona zvakanaka, ari kutsvaga rubatsiro rwekombiyuta ye’laptop’ yaanoti yakakosha zvikuru kuti akwanise kuenderera mberi nezvidzidzo zvake zvekuyunivhesiti.

Given Shamiso Kabayahwaro, wekuGlen View, akabudirira muzvidzidzo zvake zveForm 6 uye akawana nzvimbo kuUniversity of Zimbabwe uko achange achiita zvidzidzo zveBachelor of Law (Honours).

Anoti akabuda nemapoinzi 12 paA-Level apo aiita zvidzidzo zvemaArts.

“Ndakaita Form 6 yangu mugore ra2012, dambudziko rekusaona rakatanga ndave kunonyora Form 4 mugore ra2009. Zvakangouyawo, handizive kuti zvakatanga sei,” akadaro.

“Dambudziko rangu handione, nekudaro sezvo kuUZ kusina mabhuku anoshandiswa nevanhu vasingaone ekutsvanzvadzira, ndiri kuda laptop inoshandisa mazwi pakudzidza, iyo ndinenge ndichiterera semunhu asingaone.

Kwandakambofamba ndichibvunza vamwe vaiti inoita US$500 kana kudarika saka ndinokumbirawo rubatsiro,” akadaro Shamiso.

Shamiso anogara nehanzvadzi dzake uye kune vangade kumubatsira vanokwanisa kumuridzira nhare panhamba dzinoti 0715 798 340 kana 0778 879 170.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×