Ndaimborarama nekubata mbeva ndichitengesa: Macheso

Trust Khosa

ALICK Macheso anoti aimborarama nekubata mbeva achitengesa.

Izvi zvaiona pasvondo rimwe chete achibata mbeva dzinosvika 900 uye achidzitengesa kuDzivaresekwa.

Mutungamiriri wechikwata cheOrchestra Mberikwazvo uyu akakurira kuShamva asati aenda kunogara kuDzivaresekwa kutanga kwemakore ekuma 1980’s.

“Pazvaiendeka pasvondo, ndaigona kubata mbeva dzinosvika 900 uye ndodzitengesa muDzivaresekwa nedzimwe nharaunda dzakapoteredza.

“Vanhu vazhinji vaindiseka asi ndakakwanisa kuwana raramo nekutengesa mbeva.

“Ndakaramba ndiri muvhimi uye ndinofara kuti ndazadzikisa chishuwo changu pamwe nekukwanisa kurarama zvinoyemurikawo,” anodaro Macheso.

Anoti kutenda kwaanako uye kuvimba naMwari kuri kuona zvinhu zvake zvichiendeka.

“Kumunhu akabva muupenyu hwaive hwakazvidzika kusvika pandave nhasi uno inyasha huru dzaMwari.

“Ndinonzwa kufara kuti nhasi uno ndave munhu ane hukoshi apo ndaimbova muvhimi wembeva munhandare dzimwe chete dzandiri kuitira mashoo nhasi uno,” anodaro.

Macheso anokurudzira veruzhinji kuti vatende mune zvavanenge vachiita, zvinoita kuti vawane raramo.

“Muupenyu, hatifanirwe kunzwa kunyara kuita zvinhu zvinotipa raramo.

Chakakosha kuwana raramo nekuriritira mhuri dzedu kuburikidza nezvipo zvatakapihwa naMwari.

“Ndiri shasha zvakare pakubata hove, chinove chimwe chipo chandakaziva ndichiri mudiki.

“Hongu, handiwane nguva yekuenda kurwizi pari zvino, asi pose pandinoenda, ndinobata hove dzinokwanisa kudyiwa nemhuri yangu kwemasvondo ane chitsama.

“Muupenyu, tose tine zvipo zvatakapihwa nenzira dzakasiyana-siyana uye ndinofara kuti Mwari vakandisimudzira pane izvo zvandinogona. Ndicharamba ndichisimbaradza chipo ichi kwemakore anotevera.”

Macheso anoti hapana chechi chaiyo yaanoenda asi munamati mukuru uye kutenda kwake munaMwari kwamusidzira kuti asvike paave semuimbi.

Shasha yemusambo wesungura iyi inoti nziyo dzake imharidzo zvakare.

“Ndiri pandasvika nekuda kwekunamata uye ndiMwari chete akandibatsira zvakanyanya mukudzoreredza hukama pakati pangu naye.

“Handina chechi chaiyo yandinoenda, asi ndinowana nguva yekunamata.

“Chikonzero ndisina kuchechi kwandinoenda ndechekuti ndinogara ndakawandirwa nebasa nguva dzose.

“Mwari ari kundishandisa zvakare kumurumbidza kuburikidza nenziyo dzangu uye dzimwe nguva handitomboyeuke kuti dzinenge dzambouya sei.

“Ndiri mudziyo unoshandiswa naMwari nekudaro handingarambe kundidana kwaakaita, izvo zvaita kuti ndive zvandiri nhasi uno.”

Muimbi uyu, uyo ane makore 57 okuberekwa, anoti anonzwa kuropafadzwa kwakanyanya kana vatsigiri vake vachiimba pamwe chete naye paanenge achiita mashoo.

“Hazvisi nyore kufadza vanhu, asi panyaya yangu, ndaona kushanda kwesimba remimhanzi, sezvo vatsigiri kazhinji vanoimba pamwe chete neni munziyo dzangu dzakawanda.

“Izvozvo zvoga chiratidzo chesimba riri mumhanzi uye nekuvandudzika kwandaita kuve munhu ane zvinoyemurika zuva ranhasi. Handife ndakamira kuita basa raMwari, ndicharamba ndichifara nezvinhu zvavari kundiitira kubvira makore adarika,” anodaro Macheso.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

One thought on “Ndaimborarama nekubata mbeva ndichitengesa: Macheso

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *