KEVIN Nolan anoti akange asisina mufaro mumazuva ake ekupedzisira kuWest Ham apo mutambi uyu aitsvaga chimwe chikwata chekutambira zvichitevera kubva kwaakaita kuUpton Park mwedzi wadarika.
Nolan, uyo aive kaputeni wemaHammers, achiri kutsvaga kwekunotambira uye akambotaura neBolton Wanderers iyo yaakambotambira kare. Mutambi uyu (33), akabva kuWest Ham akawirirana nechikwata ichi kuti abve mushure mekunge aona kuti achange asisina mikana yakawanda yekutamba zvichitevera kutengwa kwakaita vamwe vatambi nemurairidzi wechikwata ichi, Slaven Bilic.
Asi Nolan anoti kubva kuWest Ham kwakange kwakaoma mushure mekupedza makore mana ari kuEast London panguva iyo akabatsira chikwata ichi kupinda muPremier League.
Kunyangwe hazvo aive mumwe wevatambi vaifarirwa naSam Allardyce uyo aimbove murairidzi wacho, Nolan anoti kubva kwemurairidzi uyu hakuna kumbomutuma kubvawo kuchikwata ichi.
“Zvakarwadza kubva kuWest Ham, asi nguva yakange yakwana,” Nolan akadaro.
“Slaven aiziva zvaaiita uye paakauya taiwirirana zvakanaka. Aive akavimbika, takasvika pakuwirirana kuti zvakanaka kuti ndiende.
“Akanditi ‘handingakuvimbise kuti uchatamba,’ izvo zvandisati ndambosangana nazvo, kwete zviri kufungwa nevanhu, zvaiitika ndichitambira Big Sam. Asi aida kutenga vamwe vatambi, izvo zvaizondidzosera kumashure.
“Ndakange ndangosuruwara zvakanyanya kana kumba chaiko, mudzimai anozvipupura. Saka zvakazosvika pandiri iye zvino. Ndakafunga kuti zvimwe ndichatamba sezvandaida. Ndakasvika pakuzvipira kuti ndiende sezvo ndakaona kuti handaizotamba sezvandaida uye handidi kungogara ndichitambira mari pasina zvandiri kuita.” — Daily MailOnline




