PANE muporofita wekuEpworth ari kunzi anochengeta mazinyoka muhari dzemakate dziri mumba yaanoshandira vanhu.
Muporofita uyu anonzi anoshandisa nyoka idzi mumabasa akasiyana, kusanganisira kutyisidzira vanhu “vaanoshandira”.
Izvi zvakafumurwa nemumwe mukadzi, uyo ari kuti akabatwa chibharo nemuporofita uyu, mushure ndokutyisidzirwa nenyoka idzi achinzi akangoburitsa nyaya yekubhinywa kwake bedzi, madzibaba uyu anomushandisira nyoka idzi kumuroya.
Nyaya iyi yakatomhan’arwa kumapurisa ekuRuwa uye ine nhamba dzinoti RRB-2758999.
Muporofita uyu anonzi Eric Mupfumbati kana kuti Chipikiri wechechi yekwaMugodhi.
Mukadzi uyu – uyo watichangoti Gladys kuitira kuti timuchengetedze semunhu ari kuti akabatwa chibharo – ane makore 36 okuberekwa achigara kuEast View, kuRuwa.
Gladys akabuda pachena kuKwayedza kuti akabatwa chibharo nemuporofita uyu, pashure ndokutyisidzirwa nemazinyoka akashevedzwa namadzibaba uyu akabuda muhari muimba yaanonamatira.
Nyoka idzi dzinonzi dzakamukomberedza achibva atyisidzirwa kuti akangowana waaitaurira nyaya yekubhinywa kwake bedzi, mazinyoka aya aizomuuraya.
Gladys akaudza Kwayedza svondo rapera kuti: “Ndakanzwa mbiri yamadzibaba ava apo ndaiva nemukomana wangu wandaida kuti andiroore. Ndakaenda kumuporofita uyu ndiri ndoga apo akanga anditi ndiuye nemarara ekumba kwedu.
“Ndakamuudza kuti ndinoda kuroorwa nemukomana wangu uyu iye ndokuti aida kundibvisa zvinhu zvaindipa munyama kuti ndisaroorwe izvo zvaaiti zvaiva nechekumagadziko angu.
“Ndakamupa zita remukomana wangu achibva anditi ndibvise mbatya dzose ndisare ndiri musvo izvo ndakaita asi ndikasara neskin tight. Ane zvinhu zvaakandibvisa nechekumusana akazotanga kundibata-bata. Ndakamubvunza kuti aiitei achibva andibata chibharo.”
Gladys anoti muporofita uyu akamutyisidzira kuti asawane waanotaurira nyaya iyi.
“Ndakamuvhundutsira kuti ndaizonoudza nyaya iyi kuvabereki vangu nekumapurisa.
“Ndipo paakaridza muridzo nekutaura mamwe mazwi andisina kunzwa nyoka ndokubuda mumakate ehari ari mumba yaanoitira mabasa ake umu. Dzakabuda dzikanditarisa dzichinanzvira ndikabva ndangopunzikira pasi,” anodaro Gladys.
Anoti apunzika kudaro, muporofita uyu akaenderera mberi nekumubhinya nyoka idzi dzakasimudza misoro uye dzakavakomba.
“Akaita zvaaida zvose nyoka idzi dziripo, dzaisanganisira nhema yaiva neruvara ruchena neimwe tsvuku yaivawo neruvara ruchena dzandingati dzaiva dzakareba mamita matatu kusvika kumana.”
Nyoka idzi, anodaro Gladys, dzaishinyira nehasha apo anoti akatofunga kuti pake painge pamuperera.
Kubva mumwedzi waNdira gore rino pakaitika nyaya iyi, mukadzi uyu anoti haana waakataurira kunyangwe vabereki vake chaivo, nekutya.
“Ndakaramba ndakanyarara zvisinei kuti kubva ipapa muporofita uyu aindishevedza nemishonga yake ndichienda kumba kwake uko ainoita zvaanoda neni. Ndakazotanga kurwara nemuviri wose apo ndairota ndichishinha nenyoka idzi kana kuti dzichindiruma nekundinanzva.
“Muviri wangu izvozvi ndinonzwa zvinhu zvinofamba uye kusikarudzi yangu kunoswinya, kupisa nekufamba zvinhu zvandisingaone.
“Ndakaenda kuchipatara ndikatariswa nanachiremba vakati handina chirwere chepabonde izvo ndakanga ndave kufungira.”
Mukadzi uyu anoti afamba kumaporofita nekudzin’anga kwakawanda nekuda kwedambudziko iri asi hapana chiri kushanduka.
Anotizve akazosvitsa nyaya iyi kuvabereki vake nemusi weMugovera wakadarika pamberi zvikazoita kuti imhan’arwe kumapurisa ekuMabvuku, ekuEpworth nekuRuwa apo anoti muporofita uyu akambotorwa akaregerwa.
Baba vemukadzi uyu vanoti vakazoshevedza muporofita uyu akaramba nyaya iyi uyewo nekuvavhundutsira achiti hapana izvo vaigona kumuita.
“Takaedza kutaura nemuporofita uyu akativhundutsira ini navadzimai vangu, hatizive kuti kumapurisa kwacho zvichafamba sei. Takaenda kumapurisa ekuEpworth, Mabvuku neRuwa tichingochinjaniswa nechikonzero chatisina kuziva,” vanodaro.
Amai vemukadzi uyu vanotiwo havasi kurara kuburikidza nekurwara uko anoita nekuda kwekushandiswa kwavanoti ari kuitwa nemishonga.
“Anogona kungotanga kuchema, kubatwa nedzungu, kutadza kutaura, kurumwa nezvinhu zvaasingaone nezvimwe zvisinganzwisisike. Tapedza mari nemwana uyu, hatina patakasiya. Nyaya huru ndeyekuti tinotsvaga kubatsirwa neruzhinji,” vanodaro.
Kune vanokwanisa kubatsira mukadzi uyu vanogona kuridza nhamba panhare dzinoti 0717 568 111 kana 0774 527 481.
Mutauriri wemapurisa munyika Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekutsvaga mafambiro akaita nyaya iyi.



