YAKAVE bata-batai mumusha weSt Mary’s, kuChitungwiza, nemusi weMuvhuro svondo rino apo murume saimba akabatwa nemapurisa pakati pehusiku kurwizi Manyame (Hunyani) achishereketa nemudzimai wemuvakidzani wake.
Mushure mekunge vaviri ava vabatikidzwa, vakaendwa navo nemapurisa kudzimba dzavo kuti vanotora mari yefaindi iyo vakanga vati vainge vasina kurwizi uku, gure rose richibva raputika.
Vaviri ava pavakasvikwa navo kudzimba dzavo, pakazomuka zvimbokoma apo mudzimai wemurume ainge abatikidzwa nemuvakidzani akaruma murume wake sikarudzi. Izvi zvakatevera kurohwa kwainge kwaitwa mukadzi uyu zvekugurwa zino neshamwarikadzi yainge yabatwa iine murume wake.
Xaviour Tazvitya (35), uyo anogara panhamba 778 St Mary’s, akabatwa achishinha naDadirai Madzivirire (36) uyo anogara panhamba 658 Chitungwiza Rd, kuSt Mary’s kwakare.
Kwayedza payakasvika uku, veruzhinji vaishevedzera nehasha vachida kurova Madzivirire uyo akange azvivharira mumba make mushure mekunge agura zino remuridzi wemurume waakabatwa ainaye.
“Ngaabude atorwe mapikicha zvibude mubepa, ibenzi remunhu. Munhu anoita chipfambi iye aine murume natezvara vari pamba? Hakasi kekutanga achionekwa aine chikomba, kave kechina achibatwa nemurume iyeyu. Anoda kuparadza dzimba dzevanhu.
“Dadirai ave kutozivikanwa nezita rechipfambi rekuti Masvingo nekuti anobva kuMasvingo uye anoita zvedhudhu (zvekurwa) zvekuti hapana anoti pwe-e munharaunda muno. Kana vatezvara vake nehama dzemurume vanotomutya,” vanodaro Mai Regina vanova muvakidzani.
Florance Zikuva (35), anove mudzimai waTazvitya, anoti akazokakatyura kuruma murume wake mushure mekunge arohwa naMadzivirire.
“Baba (Tazvitya) vari mumba vakarara. Ndavaruma ikoko kwacho kunoita misikanzwa nekuti handingarohwe nepfambi yavo ini ndamuti ngaauye tigare tiite barika.
“Ndabviswa zino nekuda kwechipfambi chemurume. Chero vana vatotadza kuenda kuchikoro nekuda kwehondo yange iri pano nhasi. Regai tipinde mumba muvaone kukuvara kwavaita, vataure vega nyaya yavo,” akadaro Zikuva achipinda nevatori venhau mumba.
Kwayedza payakapinda mumba nemudzimai uyu pamwe chete nehama dzake, yakaona angova machira chete sezvo Tazvitya akange apoya nepahwindo rekuseri kwemba achibva atiza achigumhina nekurwadziwa nemaronda ekurumwa nemudzimai wake.
Vamwe vavakidzani vanoti vakamuona achisvetuka mudhuri (durawall) achibva adonhera kuseri apo aiyuwira nekurwadziwa.
“Murume wangu anoita basa rekugadzira maTV nemaredhiyo asi nhasi handifungi kuti anoenda kubasa nekuti ari kurwadziwa. Zvinotondishamisa kuti abuda sei mumba muno nekumuruma kwandamuita,” akadaro Zikuva.
Zikuva anoti murume wake ave nenguva achidanana naMadzivire.
“Vanhu ava vave nenguva vachibatikidzwa asi Dadirai ane murume wake (zita tinaro). Haapo pamba nekuti anopota achidanwa kunoita twumabasa munzvimbo dzakasiyana. Iko zvino ari kuKuwadzana.
“Saka zvakaitika nomusi weSvondo (usiku) kuma11 murume wangu akabatikidzwa nemapurisa anofamba husiku kuna Hunyani ari mushishi nemudzimai wemunhu. Vabatikidzwa kudaro, vaifanira kubhadhara $10 apa ivo vange vasina, vaine $6 chete. Ndokusaka mapurisa auya navo pamba pamwe nechipfeko chaDadirai chemukati icho chasiiwa pagedhi,” anodaro.
Anoti mushure mekuziviswa nezvenyaya iyi, vakaenda kukamba yemapurisa kuSt Mary’s uko vakanoyananiswa kuti vagare murunyararo.
“Ini ndakatofunga kuti nyaya yapera asi ndazoshamisika ndadzoka kumba nemurume wangu apo Dadirai ave kuuya kumba kwangu kuzondirwisa achiti ari kuda muchato nemurume wangu nokudaro ini ndinofanirwa kubuda mumba. Ange achida kunditema negas stove, murume wangu akarandutsira achiti tisarwe asi azonditema nepoto pamwe nekundirova nechibhakera. Zino rangu rabva radzurika uye handina kutoona kuti radonhera pai mumba imomo.
“Nekurwadziwa nezvange zvaitika, ndazoruma murume wangu pasikarudzi yake, handifunge kuti pachiine chakanaka here nekuti akuvara. Ange akangorara mumba, haana kuenda kuchipatara pamwe zvichida nekuda kwekunyara.
“Ini ndinoda kunorapwa zino rangu rabviswa, handizivi kuti ndinorara here nhasi nemarwadzo,” anodaro.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura naTazvitya sezvo akatiza pamwe naMadzivire, uyo akazvipfigira mumba make.
Munin’ina waTazvitya, Tonderai Thembo (20), anotsinhira nezvekurumwa kwemukoma wake.
“Ini handingati maiguru vatadza, nekuti pfambi haingauye mumba kuzorwisa vanhu kudai. Mukoma kana vachiita mabasa avo anofanira kuperera kunze kwechivanze.
“Maiguru vanoona nhamo pano nevana vachishaya kudya asi mari ichienda kupfambi. Kwete, hazvina kunaka. Mukoma varumwa nhengo yavo ndakatarisa vakaridza mhere. Ndiri kutoshaya kuti simba rekutiza variwana kupi pamasvika imi vatori venhau,” anodaro.
Tezvara vaDadirai, VaJomingo Mariana (83), avo vainge vakazvipfigira mumba mavo vakazobuda asi havana kuda kutaura zvakawanda pamusoro penyaya yemuroora wavo uyo ainge abatikidzwa nechikomba husiku, ivo varipo. “Ini handina chandingataura,” vakadaro.
Mumwe muvakidzani waTazvitya, Robson Robson (30), anoti kushaya kwakaita Tazvitya naMadzivirire mari yefaindi yakakwana iyo yaidiwa nemapurisa ndiko kwakafumura gure rose.
Tazvitya anonzi anozivikanwa nezita remadunhurirwa munharaunda rekuti Talibani.
Zikuva akazoenda kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital kunorapwa. Mukushi wemashoko pachiparata ichi, Mai Audrey Tasaranarwo, vanoti Zikuva akakumbira rubatsiro rwekurapwa pachena sezvo akange asina mari panguva iyi.



