‘Ndakabviswa humhandara nezvikwambo’

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 22 okuberekwa wekuMberengwa anoti akabviswa humhandara nezvikwambo uye kunyangwe zvazvo akazoroorwa, parizvino anonzwa kufarira kusasana nazvo kudarika nemurume wake.

Mudzimai uyu, uyo watichapa zita rokuti Janet senzira yekumuchengetedza, anoti ane vana vaviri nemurume wake asi haana rudo naye sezvo anogutsikana nerudo rwaanopihwa nezvikwambo.

“Dambudziko iri rakatanga ndiri mudiki apo ndakabviswa humhandara nezvikwambo ndichiita zvekurota. Ndinonzi ndakaitwa mudzimai wezvikwambo zvemumusha medu, izvo zvinoita kuti ndisade murume wangu mumba; ndinotomusema. Mumba tinoita sokunge tiri varume vaviri, izvo zvakapotsa zvandirambisa,” anodaro Janet.

Mudzimai uyu anodura kuti anogutsikana nerudo rwaanopihwa nezvikwambo, izvo zvinoita kuti ashaye shungu nemurume wake.

“Izvozvi nemurume kungogarira nhamo; ndinotonzwa sokunge anondibata chibharo nokuti ndinonzwa kuda kusasana nezvikwambo. Ndine vana vaviri nemurume uyu uye mumba medu tiri vanasikana vashanu; vamwe vakarambwa kuvarume vakadzoka kumba,” anodaro Janet.

Anoti zvikwambo izvi pazvinopedza kushinha naye anobva atanga kunzwa kushosha nekupiswa kusikarudzi kwake nekubuda mapundu.

“Nyaya iyi inondirwadza, kuti mamwe madzimai anofadzwa nevarume vavo, izvo zvakasiyana neni ndinonzwa kutapirirwa nezvikwambo zvinorara neni kuhope kunyange ndikaita madzikirira. Izvozvi ndave kungotevera nguva dzose zvisina mugumo,” anodaro Janet.

Mudzimai uyu, uyo akaroorwa mugore ra2020, anoti amai vake vapenyu asi baba vakashaika.

Anoti kwose kwaanofamba anoudzwa kuti akatemerwa nyora idzo dziri kukonzera kuti ashinhe nezvikwambo.

“Zvinhu izvi handizvidi; ndatambudzwa nekuitwa mudzimai wezvikwambo, saka ndinoda kubatsirwa. Minyamawo haiperi yekupomerwa zvausina kuita, rinova dambudziko chairo,” anodaro Janet.

Pastor Hazvinei Muchefa vemuHarare vanoti kune madzimai ane chitsama anosangana nedambudziko rakaita seraJanet. Vanotizve kunyangwe vamwe varume vanogona kushinhwa navo nezvikwambo.

Vanoti matambudziko akadai anopera nekunamatirwa.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×