‘Ndakadyiswa tsvina yemunhu nen’anga’

Abel Ndooka —
MUKADZI wekuNorton anoti akadyiswa tsvina yake nen’anga achinzi iyi inzira yekumurapa dambudziko rake rekutevera kasingapere kwemakore matanhatu.

Mukadzi uyu — watichangodura bedzi saJennet (32) sezvo achikumbirisa kuti Kwayedza isamuburitse nezita rake rizere achiti zvinozomutadzisa kugara akasununguka munharaunda yake — anoti akadyiswa tsvina yake achinzi ndizvo zvaizopedza dambudziko rake.

Anoti ave nemakore matanhatu achingotevera zvisina magumo, izvo zvasvika pakumushaisa rufaro mumba nemurume wake.

Jennet anoti kusvika pari zvino ashandisa mari yakawanda zvikuru achitenga zvekuzvishambidza zvakaita semasanitary pads nekuda kwedambudziko rake.

Nekuda kupedza izvi, Jennet anoti akasvika pakutsvaga rubatsiro kun’anga nekumaporofita asi hapana shanduko.

“Ndapererwa, makore matanhatu ndichifamba kun’anga nekumaporofita ndichitsvaga kubatsirwa asi hapana chiri kubuda. Ndanwiswa mishonga yakawandisa, kumwe kwacho ndikanzi ndidye tsvina yangu chaiyo neimwe n’anga zvichinzi ndiko kuti dambudziko rangu ripere.

“Nekutsvaga kuti ndipore, ndakaidya asi zvose izvi hazvina kushanda,” anodaro.

Anoti dambudziko rake rasvika pakuda kumuparadzira imba yake sezvo zviri kuitika paari zvichimutadzisa kusasana nemurume wake.

“Mumba mave kusvika pakusamira zvakanaka, nekuda kwekusakwanisa kufadza murume wangu.”

Nekuda kuti dambudziko rake rimuperere, Jennet anoti ndizvo zvakamusvitsa pakubvuma kunzi nen’anga aite tsvina yake, pashure oidya.

Pari zvino Jennet ari kutsvaga rubatsiro kuimwe chechi iri muHarare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×