‘Ndakaramba kubvisa nhumbu’

Garnet Zvimba
SAMUSHA wekuramba kuchengeta mwana achipomera mudzimai wake mhosva yekuramba kubvisa pamuviri pemwana uyu akazochechuka amiswa pamberi pedare. Bridget Samu akapotera kuHarare Civil Court achida $100 kubva kuna Kelvin Madzivadondo. “Changamire, chichemo changu ndechekuti murume uyu andipe mari yekuchengeta mwana. Kubvira mwana achizvarwa kusvika pari zvino, haana kana kobiri raanondipa rekurera mwana.

“Ini handishandi, nguva yose iyi ndanga ndichichengetwa nehama dzangu zvino zvava kundiomera. Mwana angachengetwa nehama dzangu kusvika rinhi ivo baba vacho vachingomberereka nenyika kutevera madhirezi?” akadaro Samu.

Samu akati Madzivadondo kusachengeta mwana kwaisava kushaya mari sezvo aine mikoto mizhinji yaanowana nayo mari.
“Mazuva apera akandiratidza mari yakawanda achiti anokwanisa kundipa yandinoda asi anoda kutanga ambofunga. Mhosva yaanondipa ndeyekuti ndakaramba kubvisa nhumbu. Mari anobata zhinji sezvo achiita zvekuchinja mari yekunze nekupinza motokari munyika,” akadaro. Madzivadondo akati zvekuchinja mari zvairehwa naSamu manyepo sezvo iye ari mutyairi chete.

“Zvinorehwa nemudzimai uyu handizvizive, basa rangu kutumwa kunotora motokari dzinenge dzatengwa kunze sezvo ndiri mutyairi kunova kwandinongoenda kamwe kana kaviri pamwedzi,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Madzivadondo abvise $70 pamwedzi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×