Akapukuta $1 200 nepfambi

Garnet Zvimba
MUDZIMAI wekuti murume wake akaramba kutenga sitendi yekuvaka imba asi ndokupedzera $1 200 kupfambi akabva mudare achigunun’una apo chikumbiro chake chekuti anoda $400 yemendenenzi chakaraswa. Getrude Mukarwi akamhan’arira murume wake, Tarisai Tapanda, kuHarare Civil Court achiti haasi kuchengeta mhuri yake. “Murume wangu anoita basa rekutyaira forklift kwaBhadhela Wholesalers achihora $700 asi pamari yose iyoyi hapana kana kobiri randinowana. Ndinoda mari yerendi, kubhadhara mvura kozoti chikafu. Hameno kuti anoti ndoiwana kupi mari iyoyo,” akadaro Mukarwi.

“Taive nemari yatakanga taunganidza, $1 200, ini ndikamuti mari iyi ngatitenge sitendi yemba asi iye akaramba achibva abva pamba kwemazuva maviri achidya zvake mari yacho. Paakadzoka ndipo akatanga kunditi ari kuda kundisungisa nenyaya yekuti ndakadya mari yake.

“Izvozvi mombe dzose dzaive kumusha akatengesa mari akadya kana zvimwe zvinhu zvepamba anotora achitengesa, hameno kuti musha wacho unomira sei.”

Tapanda akaudza dare kuti:
“Mari yaanoti ndowana handiizivi, ini chandoziva kuti kubasa ndinopihwa $480 iyo inouya kana dzimwe mari dzichinge dzabatwa kubasa. Mari yaari kuti anoda handiwirirane nayo, ndingatokwanisa kumupa $150,” akadaro Tapanda.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Tapanda abvise $150 pamwedzi pamusoro pazvo achibhadhara chikoro nekutenga yunifomu dzevana.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×