Ndakaroora asiriye!

MAKADII tete? Ndiri mukomana ane makore 28 okuberekwa. Dambudziko rangu rakamira seizvi: Rimwe zuva ndakakwira motokari yaichovhwa nemukadzi. Munongozivawo kana madzimai achityaitra madhirezi anenge achikwirira kumusoro.
Ndakabva ndatorwa moyo ndokukanda shoko. Takafambidzana kusvika ndamuitisa pamuviri.
Mukadzi uyu akatanga kunditi ndichibvisa pfuma, ini semunhu anga aperera ndokunoroora. Pandakanobvisa pfuma handina kuziva kuti munhu ane mhuri yake, ndakazongonzwa vanhu vave kuti kwandiri uyu ndiye akaroora mai nhingika uyu.
Pachivanhu zvinonzi kana munhu watema muti ibva wazvuva nemasanzu acho. Saka mukadzi uyu vose nevana vake ndini ndava kunzi baba apo ndakaroora ndisingazive zvose izvi. Ndoita sei tete nekuti nyaya iyi iri kundinetsa zvikuru? Ndinombofunga kuti ndibude zvangu munyika muno ndonogara kunze.

Nicholasa Kan’ono.
Gweru.

MHINDURO:
Nyaya yako inotosetsa muzukuru. Ko iwe vaizosvika pakuitisa pamuviri mukadzi wausinganyatsoziva sei? Vanhu tangai mazivana nezveupenyu hwenyu mopanana nhumbi, moratidzana wehukama. Ipapo munenge mave kuchironga kufambira mberi nezvewanano yenyu. Zviri kwauri kufunga kuti ungaite sei, ini handingakurambanise nemudzimai wako, iwe ita zvinokurerukira mwanangu. Ndichiyambira zvakare vana veZimbabwe, kuita bonde harwusi rudo vanangu, tangai mapedza zvechikoro mochizoita zvekukuroorwa kana kuroora manyatsogadzirira.
Tete.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×