Vakoti 29 vakapedza zvidzidzo

Daphne Machiri
VAKOTI 29 vakapihwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvemutauro wemasaini (sign language) pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals izvo zvinotarisirwa kuvabatsira zvikuru mukuita basa ravo. Pavakoti ava, 25 vavo vanhukadzi uye zvidzidzo izvi vakaitiswa nesangano reDr Timothy Stamps Trust for Chronic Diseases.

Vachitaura pachiitiko ichi, Dr Stamps vakati vakavamba chirongwa ichi zvichitevera dambudziko rakatarisana nevanoshandisa mutauro wemasaini, avo vamwe vavo vasiri kuwana rubatsiro kuzvipatara nenguva nekuda kwekuti vakoti vanenge vasingakwanise kuziva zvavanenge vachida kubatsirwa nazvo.

“Ndicho chinangwa chikuru chakaita kuti zvidzidzo izvi zvivepo, tinovimbisa kuti tichatenderera mapurovhinzi ose tichiitisa zvidzidzo izvi nechinangwa chekuti munhu wose awaniswe utano hwakakodzera,” vakadaro.

Vachitaurawo pamhemberero idzi, sachigaro weHealth Services Board, Dr Lovemore Mbengeranwa, vakati zvakakosha kuti vakoti vakwanise kubatsira varwere vose vanouya kuzvipatara nemakiriniki.

“Chirongwa ichi takaona zvakakodzera kuti chinge chichiitwa muzvipatara nekuda kwekuti utano ikodzero yemunhu wose zvisinei kuti akaremara,” vakadaro Dr Mbengeranwa.

“Ranga riri dambudziko guru chaizvo kune vakoti kuti vakwanise kutaura nevarwere vanoshandisa mutauro wemasaini, kubvunza kuti vanorwara nei uye zvakare nekuti vakwanise kuvapa rubatsiro rwakakodzera. Ndizvo zvakaita kuti chirongwa ichi chiitwe.”

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×