‘Ndakasungisa munhu asiriye . . .’‘baba ndivo Vakandibhinya’

‘. . . zvino ndonetswa nengozi’

Kingstone Mapupu
MUSIKANA wekwaMurehwa ane makore 20 okuberekwa ari kuti akasungisa munhu asina mhosva apo akabatwa chibharo nababa vake vekumubereka, asi iye ndokufurirwa kumhan’arira mumwewo murume wemumaraini, uyo ava kumuka ngozi achiti, “wakandisungisirei ndisina mhaka?”

Izvi zvinotevera kufa kwakaita murume uyu nekurwara ari mujeri apo nyaya yake yainge ichiri kutongwa.

Nekuda kwemweya wave kumushungurudza, musikana uyu afunga kuburitsa chokwadi pamusoro penyaya iyi.

Anoti akabatwa chibharo aine makaore 11 okuberekwa nababa vake vanova “engineer” pane imwe kambani iri kuSoutherton, muHarare, asi ndokufurirwa kusungisa mumwewo murume aigara kumusha kwavo.

Zvisinei, baba vake vari kurambisisa kuti vakamubata chibharo vachiti mwanasikana wavo haabvire munyaya dzemaporofita, ayo avanoti anomuudza zvekunyepa zvinoita kuti vagare vasingawirirane.

Zvino ngozi inonzi yave kudya magaka mambishi apo nyakunofira kujeri anonzi ari kuuya kumusikana uyu masikati nehusiku achiti ndiye akamuuraisa asina mhosva, nekudaro anoda kuripwa.

Musikana uyu — uyo watiri kungodoma zita rake saChenai nechinangwa chekumuchengetedza — anoti akabatwa chibharo nababa vake pavairoja mumusha weHighfield, muHarare, vakamutapurira chirwere chenjovhera apo aiita Grade 3.

Chenai anoti baba vake nedzimwe hama dzepedyo vakazoronga kupomera mumwewo murume wekumusha mhosva iyi, uyo akazosungwa, ndokunogara kujeri achimirira kutongwa kwenyaya iyi.

Sezvineiwo, murume wekupomerwa mhosva yaasina kupara uyu anonzi akazorwara ari mutirongo, ndokufa nyaya yake isati yapera kutongwa.

Chenai akabuda pachena kuKwayedza achiti aona zvakakodzera kuti ataure chokwadi, azvisunungure, nekuti anetswa nemweya wengozi yemunhu wavakaendesa kujeri asina mhosva yaakapara.

“Ndinoda kuti chokwadi chichizivikanwa. Ini ndakabatwa chibharo nababa vangu avo vava nemakore 43 mugore ra2008 apo ini ndaiva nemakore 11 ekuzvarwa uye ndiri Grade 3. Apa tairoja kwa. . . (zita tinaro) kuHighfield.

“Panguva iyi, amai vangu vakanga varambana nababa, baba vatoroora mukadzi wechipiri. Baba vaitanga vandiisira mapiritsi aindidhaka muchikafu.

“Vaona kuti nyaya iyi yava kuda kuputika, baba nababamudiki nedzimwe hama vakazoronga ndokutsvaga mumwe murume ainzi . . . (zita tinaro) uyo aigara kumusha kwedu kuti zvigonzi ndiye akandibata. Nyaya yakamhan’arwa, murume uyu ndokusungwa akaenda kujeri,” anodaro Chenai.

Anoti nekuda kwedenda renjovhera iyo anoti akazadzwa nababa vake apo vaimubata chibharo, akazoendeswa kwachiremba nababa ava kusvikira chirwere ichi chapera.

“Dambudziko rekubatwa chibharo nababa rakatanga apo amai vangu, avo vakazoshaika zvavo mugore ra2012, vakanga varambwa nababa ini nehanzvadzi yangu ndokusara tichigara nababa.

“Zvino amainini mukadzi wababa wechipiri vainge voudza vanhu kwataigara kuti ndaidanana nababa vangu zvikaita kuti nyaya iyi izivikanwe nevekunze, kusanganisira vatairoja navo,” anodaro Chenai.

Mumwe munhu waanoti akabatsira kuti vasungise murume ainge asina mhosva uyu ndibabamudiki vake, avo pari zvino vari kugarawo muHarare.

Chenai anoti pakazofa murume wavakange vasungisa uyu mugore ra2013 apo akatanga kurwara ari kujeri, hapana dambudziko raaiva naro kusvikira gore rakapera apo mweya uyu wakatanga kumunetsa.

“Ndinonzwa murume uyu achinditi, ‘Wakandisungisa ndikanofira kujeri ndisina mhosva, ndisina kukubata. Saka ndinoda kuripwa newe, pasina izvozvo tinopedzerana nemhuri yako yose.’

“Kana mazwi aya ave kuuya, ndinonzwa ruzha rwakanyanya munzeve dzangu iye obva atanga kutaura. Dzimwe nguva ndinomuona murume uyu mbune achitofamba. Ndinogona kungotanga kuzvimba muviri wangu wose kwenguva duku-duku.

“Ndikangoona zvemadzengerere emurume uyu, ndinogona kana kutorasika pamba kana kuti anondidzingirira kubva pamba pedu ndichitizira kudzimba dzevavakidzani ndotonorara ikoko,” anodaro Chenai.

Anoti nyaya yekumuka kwengozi iri kumunetsa iri kuzivikanwa nababa vake asi anoti havasi kusimudza musoro.

“Baba vari kuziva nyaya iyi, asi vari kuti vanozoripa kana ngozi iyi yatanga yauraya munhu. Ngozi iyi yakatanga kubudira kuhanzvadzi yangu iyo ndakatumira mashoko panhare yake ayo akazoonekwa nababa. Baba vakabva vatanga kundibata huyanga pamba kudzimara ndakambotiza ndichinoshanda uko ndakazopihwa pamuviri pemwana mucheche wandava naye uyu.

“Pazororo reEaster radarika, baba vakatondirova vachinditi ibva pamba pangu.”

Baba vake, anodaro Chenai, havasi kuda kuenda kunotaurirana nemhuri ine murume wavakasungisa asina mhaka.

“Baba vanondirova vachiti ndibve pamba pavo nekuda kwenyaya yandakaburitsa iyi, uyewo vachiti ndinovati vakaromba. Ndinoda kuti varipe mweya wemurume uyu ubve pandiri, handina rugare.”

Mwanasikana uyu anoti pari zvino ari kugara natete vake sezvo achinyimwa zvekudya nemukadzi wechitatu wababa vake.

Baba vaChenai — vachitaurwa navo neKwayedza panhare —vanoramba kuti vakamubata chibharo.

“Mugore ra2008, mwana uyu akagezeswa naamainini mudzimai wemunin’ina wangu apo vakaona kuti aive nemaronda kusikarudzi yake. Takazomubvunza akati ainge akabatwa chibharo na. . . (zita tinaro), nyaya iyi ichibva yazomhan’arwa kumusha kwete kuti ndini ndakamhan’ara.

“Anonyanya kutevedza maporofita uko kuri kubva dzimwe nyaya idzi. Anonditi ndakaromba, anoda kutofambirwa mwana uyu. Handina zvakadaro zvandakaita kwaari,” vanodaro baba ava.

Vanoti nyaya yekuti Chenai ava kusvikirwa nemweya wemurume wekufira kujeri vakainzwa ichitaurwa nehanzvadzi yavo iyo yaari kugara nayo kumusha kwaMurehwa, nekudaro vanoda kumubatsira padambudziko irori.

Votaura nezvenyaya iyi, mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti kana vemhuri yaChenai vakasungisa munhu asiriye achinzi ndiye ainge amubata chibharo, nyaya iyi inoda kuferefetwa patsva, munhu chaiye akamubhinya osungwa nekuendeswa kumatare edzimhosva.

Mutevedzeri wasabhuku wemusha unogara musikana uyu – uyo watichangodoma saVaGilbert (64) – vanoti nyaya yekuti musikana uyu ari kusvikirwa nengozi itsva kwavari.

“Zvekuti musikana uyu ari kusvikirwa nengozi handizvizive, akauya pamusha apa aine pamuviri akasvikoita mwana wake ipapo. Uyo murume wekunzi akamubhinya, akasungwa akadzoka kujeri orwara ndokubva afa,” vanodaro.

Imwe hanzvadzi yemurume wekufa uyu inotsinhira nyaya yekuti akasungwa achinzi ainge abata chibharo apo akazodzoka kujeri achirwara ndokusvikofa.

“Akasungwa achinzi abata chibharo musikana uyu, ndokunogara kujeri kwaMurehwa uko akadzoka orwara nepfungwa, Asthma, nezvimwe zvirwere achibva asvikofa. Izvo zvekuti kune ave kubatwa nengozi hatizive, havasati vauya kwatiri,” anodaro. Mukoma wemurume wekufa asungiswa uyu anotiwo ichokwadi kuti munin’ina wake akanzi ainge abata chibharo.

“Akasungwa achinzi abata chibharo akanogara kujeri kwaMurehwa. Mumwe munin’ina wangu akazoshevedzwa kwaMurehwa Centre kunzi huyai mumutore arwara uko akanotorwa ndokuita mazuva achibva afa.

“Tinonzwa kuti ari kumuka ngozi yekuti makandiuraisa ndisina mhosva, isu wedu takarwadziwa tikaviga. Ivo kana vari kunetswa nengozi yehama yedu takamirira kuti vauye kwatiri titaure,” anodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×