A-LEVEL — UGo HWAMADZINZA AVASHONA

Nhetembo dzetsika namagariro aVaShona

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tichangoita nhanganyaya yebhuku rino. Svondo rinotevera ndiro ratichatanga kuita ongororo yemibvunzo nemhinduro.

Ugo hwamadzinza aVaShona ibhuku rine nduri dzechinyakare. Mubhuku iri nhetembo zhinji dzirimo dziripo pakusimudzira tsika namagariro aVaShona pasichigare. Munobudiswa tsika dzematambidzanwa dzaikosheswa navakuru vedu dzinosanganisira kuvhima, kusuma doro, kupira midzimu, wanano nezvimwewo.

Bhuku iri rinopa muono kuvana kuti vakwanise kuona kuti manyepo chete aibudiswa nembongorori dzechichena dzaitsanangura kuti vanhu vatema havana nhoroondo yeupenyu, mutauro, dzidzo, chitendero pamwe netsika namagariro zvakajeka.

Nhetembo dzirimo dzinosimudzira tsika namagariro echitema zvinove zvinobudisa kuti vanhu vatema vakagara vaine maitiro avo akajeka, uye aienderana nemararamiro avo.

Madingindira mazhinji anobudiswa munhetembo dziri mubhuku iri ndeanoti:

Mhiramudzimu

Kusuma doro

Rairo/kuraya

Bembera

Ndyaringo

Rufu

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *