‘Ndakatiza hama dzemukadzi’

Garnet Zvimba
VANHU vaiva mudare vakashamiswa kunzwa mumwe murume, uyo akanga amhan’arirwa nemudzimai wake, akati akadzingwa pamba pake nehama dzemukadzi uyu uye iye semunhu asina hama, haana kupikisa danho iri.

Tongai Kasawaya akataura izvi mudare reHarare Civil Court uko akaendeswa nemudzimai wake, Martha Dune, achiti anomushungurudza nekumurova pose pavanosangana.

Achitaura pamberi pemutongi Trevor Nyatsanza, Dune akati:

“Murume uyu akatiza pamba, zvino anoita basa rekuuya achindirova nekundituka. Musi uno akandirova pamberi pevana vechikoro sezvo ndaidzidzisa pachikoro pake nekuda kwekuti ndakanga ndatambira mari yechikoro kubva kune mumwe mwana. Akauya kumba akatuta zvinhu zvangu zvandinoshandisa kuchikoro ndikasara ndisina chekushandisa.”

Kasawaya akati akadzingwa pamba pake nehama dzemukadzi wake.

“Kuti ndibve pamusha pangu ihama dzemudzimai iyeyu dzakandidzinga ini ndikashaya akanditsigira sezvo ndisinawo hama. Zvekuchikoro zvaanoti ndakamutorera ndezvangu izvo taingoshandisa tose.

“Iye ndiye akatanga kudenha paakapwanya ndiro pamberi pevana vechikoro. Zvaanoti ndakamurova inhema, takangosundidzirana chete pasina arova mumwe. Kumba ndichadzokera kana baba vake vanditendera kuti ndichidzoke, kusanganisira naiye nekuti akanga andiudza kuti ndikadzoka ndinorara nevanasikana vangu muimba yavo yekurara,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Kasawaya asatuka kana kurova Dune asi akasununguka kusvika pamba pake chero nguva.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×