‘Ndamirira Ambunda’

Abel Ndooka
SHASHA yetsiva Tinashe “Chairman” Mwadziwana anoti zvishuvo zvemwoyo zvake zvave kuzadzikiswa apo achasangana nemutambi wekuNamibia, Paulus “The Rock” Ambunda, pazuva rekupemberera Zimbabwe kuwana kuzvitonga kuzere.

Mwedzi yadarika, Kwayedza yakaita hurukuro naMwadziwana achiti anoshuvira kumbosangana naAmbunda uyo waanoti anotamba tsiva yepamusoro yaanoyemura zvikuru.

Mwadziwana anoti izvi ndizvo zvakazotuma mamwe mapuromota kuti abatane aronge mutambo uyu uchamuona achisangana naAmbunda musi wa18 Kubvumbi kuMbare Netball Complex vachirwira bhande reWorld Africa Boxing Association Super Bantamweight World Title.

“Ndiri kunzwa manyuku-nyuku zvikuru nekuti mutambo wandainge ndakamirira hupenyu hwangu wazouya manje. Paulus Ambunda mutambi mukuru wetsiva muAfrica muno.

“Uyu mutambo wandaigara ndichingoshuvira uye ndinotarisira kuti ndikauhwina uchandisvitsa pane rimwe danho hombe chairo,” anodaro Mwadziwana.

Maneja wake, Clyde Musonda anoti gadziriro dzemutambo uyu dzave padanho repamusoro.

“Chairman makore adarika ndiye mumwe wevatambi vetsiva vemuno vange vachidadisa uye tinofara nekusimukira kwaari kuita.  Musi wa18 Kubvumbi, achasangana naAmbunda kuMbare Netball Complex uko kunobva Chairman saka tinoziva kuti chaunga chichauya kuzopemberera mwana wacho wemuMbare,” anodaro Musonda.

Mwadziwana kusvika parizvino arwa mitambo 30 ndokuhwina 18, akakundwa mimwe 12 yacho.

Ambunda arwawo mitambo 30 ndokuhwina 27, ndokukundwa mitatu chete.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×