‘Eheka, ndinorova murume wangu’

Muhamed Komboni
MUKADZI anogara mumusha weSakubva, maMutare, anoti akarikita murume wake pamwechete nekumuruma-ruma pamberi paambuya vake avo vakange vauya kuzovayananisa mushure mekunetsana mukugarisana kwavo.

Precious Musoso akataura mashoko aya achibvuma mhosva yekurova murume wake, Sincewhen Mademano, apo akamiswa pamberi pemutongi Tendai Prisca Manhibi wedare reMutare Magistrate Court.

Muchuchisi Muzvare Perseverance Masukuto akaudza dare kuti Musoso anonzi akazvambaradza murume wake izvo zvakaita kuti azonopotera kumapurisa.

“Zvinonzi nemusi wa22 Ndira gore rino, Musoso akarikita murume wake pamberi paamai vake, ambuya vaMademano, nezvibhakera nembama apo vakanga vauya kuzovayananisa.

“Apedza izvi, Musoso anonzi akaenderera mberi nekutema murume wake nematombo nekumuruma-ruma kumusana. Musoso anonzi akazopfuurira mberi nekukakata sikarudzi yemurume wake,” anodaro muchuchisi Masukuto.

Achipawo divi rake, Musoso anobvuma zvose zvaari kupomerwa achiti akazviita nekuda kwekushatirwa.

“Mambo wangu, mhosva iyi ndinoibvuma, ndini ndakaipara. Ndini ndakarikita murume wangu apo ndakazomutema nematombo pamwe chete nekumuruma-ruma kumusana. Nekuda kwehasha, ndakazopwanya kombiyuta yake apo takanga tatadza kunzwanana pataiyananiswa,” anodaro Musoso achifemeruka nehasha.

Mutongi Manhibi akayambira Musoso kuti asiyane netsika yekurova murume wake kana kuita mhirizhonga sezvo zvinozoita kuti vakuvadzane kana kuurayana.

Nyaya iyi ichiri kuenderera mberi nekutongwa mudare iri.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×