‘Ndicharoya tsvina yako’

Lizzy Mushoriwa
MURUME wekuSunningdale, muHarare, anoti ava kutyira upenyu hwake sezvo mukoma wake achigara achimuudza kuti achamuroya nenyaya yekuti akapinda muchimbuzi achizvibatsira anosiya tsvina yake irimo.

Kasim Kanyama akamhan’arira Mahommad Madi kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

“Mambo, ndauyawo kuno nemukoma wangu uyo andishaisa rugare pamba patakasiirwa nevabereki vedu. Mukoma vanondishungurudza, ndinorohwa uye kutukwa nguva nenguva. Mudzimai wangu anova muzvere pari zvino vanongoti aite mabasa epamba asi iye asingazvikwanise,” anodaro.

Anoti zvakare ave kutyira upenyu hwake sezvo Madi achiti anoda kumuroya.

“Ndava kutyira upenyu hwangu nekuti mukoma vanozviti in’anga, vachatiroya nekuti tinosiya tsvina muchimbuzi.

“Handisirini ndinosiya tsvina iyi asi ndave kungotya kuroyiwa namukoma n’anga,” anodaro.

Madi anopikisana nechikumbiro ichi achiti haasi kushungurudza Kanyama.

“Anonyepa, handimushungurudze ini asi kuti iye ndiye asinganzwisise bedzi. Pakauya mukadzi wake akati haaite basa nekuti kumba kwavo kwaiva nemusikana webasa. Anotora maraitsi emuchimbuzi achiisa mumba make, ukamubvunza oti ndanetswa,” anodaro Madi.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaKanyama achiti hapana umboo huzere hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naMadi.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×