‘Ndinenge ndakakoriwa’

MUDZIMAI wekugarooneswa pfumvu nemurume wake akateterera mudare achiti anodawo zororo kubva mukuzvindikitwa uko pavakaroorana.
Carltas Mazhindu akaendesa murume wake, Steven Chamakura, kuHarare Civil Court achiti apfidza nekurohwa, kunyanya paanenge akashapira doro.

“Ndanzwa nekugara ndichirohwa nababa ava kubva pandakaroorwa. Handizivi chinonzi runyararo kana mufaro mumba nekuti vanongondirova pese-pese. Ndoda kana vanwa havo doro, igaroziva kuti chimoto, ndinotorohwa chete,” akadaro Mazhindu.

“Ndatojaira kutukwa mashoko anorwadza nekuti ndihwo hunhu hwavo asi pakurohwa ndaneta veduwe-e. Hongu ndibaba mumba ndinozvikudza izvozvo, asiwo vane chinzvimbo chavanofanirwa kundiisawo semudzimai mumba kwete kuzivikanwa neraini rese, kunyangwe nepwere, kuti ndinoshungurudzwa,” akadaro Mazhindu.

Achipawo divi rake, Chamakura akati anoda kuti mudzimai wake amuregerere pamwe nekubvisa nyaya iyi mudare.
“Changamire, ndinokumbirawo ruregerero kumudzimai wangu nezvandakaita. Ichokwadi ndinomurova kana ndatsamwa uye kazhinji kacho ndinenge ndisiri kunyatsoziva zvandiri kuita nekuti ndinenge ndakadhakwa iye anozviziva uyu. Handina kumboziva kuti nyaya iyi ingatosvika kuno kudare, ndiregererewo mukadzi wangu handichakurove zvakare,” akadaro Chamakura.

Mutongi Barbra Masinire akapa gwaro redziviriro kuna Mazhindu akati kuna Chamakura vagarisane murunyararo.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×